Chipindura High: Chikoro chepamusoro

CHIKORO cheChipindura High School, icho chiri kuBindura, kuMashonaland Central, chakavandudzwa kuti chive chemhando yepamusoro munyika muno pamwe nemudunhu rose reSouthern Africa uye vadzidzi vepo vari kubudirira zvikuru mufundo yavo.

Vana veO-Level vepachikoro ichi vakawedzera kupasa nechikamu che33%.

Chipindura High inopa kutenda kukuru kumutungamiriri wenyika President Mugabe nekutsigira kwavari kuita chirongwa chekuvandudza dzidzo kuburikidza neNew Curriculum.

Chikoro ichi chakatotanga kufambisa chirongwa cheNew Curriculum sezvo chiine vadzidzi makumi maviri vatova nezvitambi zvekutyaira motokari uye varairidzi vatanhatu vari kutarisirawo kuwana zvitambi izvi munguva pfupi iri kutevera.

PaA-Level, vadzidzi vakapasa nechikamu che90% apo zvidzidzo zveScience zviri izvo zvakanyanya kupaswa.

Budiriro iyi iri kubva mukushanda nesimba kwevana nevadzidzisi.

Chikoro ichi chakakwikwidzawo mumakwishu eOld Mutual neBindura University of Science Education Olympiads.

Mumwe mudzidzi wepaChipindura High, Tanaka Majuru — uyo ari kuita zvidzidzo zveScience muUpper 6 — akadadisa zvichitevera kukunda kwaakaita vamwe vose munyika mumakwikwi ezvidzidzo zvemakombiyuta.

Tanaka akawaniswa mubairo we$250 neBindura University of Science Education.

Pamitambo yenyika yose yeBUSE Olympiad, Nyasha Mudoti akatora nhamba yechina achiteverwa naTakudzwa Kararira wepaChipindura High zvakare.

Gladys Ben – uyo ari kuita Form 2 – akatorawo nhamba yetatu mumakwikwi enyika yose ekunyora ePotraz National Essay Writing zvikaita kuti aende kumba nemubairo we$100.

Kuchikamu cheICT, chikoro chese chine masaisai edandemutande refibre Internet uye mwana mumwe nemumwe anenge aine kombiyuta yake yekusha- ndisa.

Chipindura High yakapindawo mumakwikwi eNASH Athletics National Competitions akaitirwa kuChinhoyi yakawana menduru 8 dzegoridhe, pamenduru 11 dzakahwinhwa nedunhu rose reMashonaland Cen- tral.

Chikoro ichi chinopa kutenda kuna Mary-joy Mudyiravanji nechikwata chake avo vakabatsira mukusimudzira Chipindura High pamwe nemureza weZimbabwe pavakanokwikwidza kunyika dzakadai seAlgeria, Brazil, Congo neZambia ndokuuya nemenduru.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×