Chirongwa cheplap chinobatsira: Shumba

MUKURU anoona nezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vari kurumbidza chirongwa chePeformance Lag Address Programme (PLAP) nekubatsira kwachiri kuita kusimudzira kubudirira kwevadzidzi mubvunzo mudunhu ravo.

Pasi pechirongwa ichi, vadzidzi vanonyoreswa bvunzo kupera kwevhiki roga-roga kana kuti kwemwedzi vachibatsirwa pavanenge vachisaririra nechinangwa chekuti vagadzirire bvunzo dzakasiyana. Vadzidzi vaya vanononoka kubata zvavanodzidziswa vanopatsanurwa nevamwe kuitira kuti vawane mukana wekufundiswa zvinoenderana navo.

“Kubva gore ra2010 dzidzo yevana vepuraimari nesekondari yakamboderera zvekuti dunhu reManicaland rakaita zvikoro zvinosvika 136 zvaiva ne0% pakupaswa kwebvunzo.

“Izvi zvakakonzerwa nekunetsa kwakamboita zvinhu apo varairidzi vakaenda kunotsvaka mabasa kunze kwenyika. Nguva iyi vana vakasara vasina kana vadzidzisi.

“Pari zvino vadzidzi vave kupasa kusiyana nakare sezvo gore rapera chikoro chimwe chete bedzi ndicho chisina kana mwana mumwe chete zvake akapasa bvunzo dzeGrade 7,” vanodaro.

Muhurukuro nemukuru anoona nezvechirongwa chePLAP kuManicaland (acting Principal Psychology), VaTaurai Sango, vanoti chirongwa ichi chiri kuvandudza dzidzo zvikuru.

Vanoti gore rapera vadzidzi vakabudirira nechikamu che89% pabvunzo dzeGrade 7 ne76% paO- neA-Level mudunhu ravo.

“Kubudirira kwevadzidzi mubvunzo kubva gore ra2010 kwakakwira ne40% kusvika 2015 kuburikidza nechirongwa chePeformance Lag Address Programe apo tinoita zvirongwa zvekuverengwa kwemabhuku nekunyoresa bvunzo mugwaro rega-rega kupera kwevhiki kana mwedzi tichiona pari kusarira mwana. Hapana mwana anofanirwa kutadza zvegwaro raanenge ari.

“Chikoro chatiri kunyanya kushanda nacho zvakasimba ndecheMagarati Primary School, chiri kuNyanga, icho pazvikoro zvose zvepuraimari zviri muManicaland chisina kana mwana mumwe chete akapasa bvunzo dzeGrade 7 gore rapera,” vanodaro VaSango.

Vanoti pasi pechirongwa ichi, mudzidzisi wose anofanirwa kuve neruzivo rwechizvino-zvino sekugona kufundisa achishandisa dandemutande.

“Mudzidzisi wose anofanirwa zvakare kuva neruzivo rweE-learning uye kuti adzidzise syllabus yose ichipera nenguva kuitira kuti vana vabatsirikane,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×