Nhetembo dziri pacd

MUMWE nyanduri achiri kusimukira ari kukurudzira vamwe vake kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekutsikisa nhetembo dzavo vachiisa pamaCD nechinangwa chekuti dzisvike kune veruzhinji.

Takesure “Dr Mbodo” Chaumba (21), uyo akatsikisa CD renhetembo rinonzi Jesu Ndiye Ani, anoti nhetembo dzake dzine dzidziso maererano netsika nemagariro evanhu vatema.

“Vananyanduri vanofanira kufambirana nezviriko mazuva ano. Nhetembo zhinji dzakare nedzimwe dzechizvino-zvino dzainyorwa mumabhuku asi ini ndinoti dzinofanira kuwanikwa pose mumabhuku nemaCD. Izvi zvakanakira kune vaya vasingafariri kuverenga,” anodaro Chaumba.

Muchinda uyu anoti akatanga zvekudetemba achiita Form 1.

CD rake renhetembo iri ndere chipiri uye rekutanga rinonzi “Tangoti tionesane” iro akaritsikisa muna2013.

“Panhetembo dziri paCD rechipiri iri pane inonzi Gala Kudenga apo ndinenge ndichitaura nemutauro wakarongwa zvinodakadza. Apa ndinenge ndichitaura nezvevanhu vakatisiya vaiva mune zvekuimba nemadhirama ndichitsanangura zvavangadaro vachiita vari kudenga ikoko seGala.

“Pane rimwe zvakare detembo rinonzi Simba Utsunge Moyo iro rinoraira veruzhinji kuti vashingirire mune zvavanenge vachiita. Ndinovimba kuti vatereri vachanakidzwa nenhetembo idzi sezvo ndakawedzera hudobi-dobi.”

Dzimwe nhetembo dziri paCD iri dzinosanganisira Broken Promise, Kandyera, Inbox naMaita Mauya.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×