Chirongwa chichasimudzira mabasa emawoko

SANGANO reEuropean Union National Institute for Cultural Promotions nguva pfupi yadarika rakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa emawoko pamwe netsika nemagariro muZimbabwe.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kuNational Arts Gallery, muHarare, mukuru weEU Zimbabwe, VaPhillipe Van Dammne, vakarumbidza nyika ino vachiti ine vanhu vakawanda vane matarenda emabasa emawoko ayo anogona kusimudzira upfumi hwayo.

“Hunhu hunobva mukuchengetedza tsika nemagariro, nyika yeZimbabwe ine vanhu vane matarenda akasiyana kunyanya mumabasa emawoko, madhirama, vanoimba izvo zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika,” vakadaro vaVan Damme.

“Isu vesangano rakazvimiririra reEuropean Union tiri kukurudzira kuchengetedza tsika nemagariro zvinova zvinoumba hunhu nemagariro edu nebudiriro mukurarama zvakare.”

Vakaenderera mberi vachiti vachasimbaradza mushandirapamwe weEuropean Union Development Cooperation nenyika yeZimbabwe mukusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nemabasa emawoko. “Donzvo rechirongwa chedu ndere kusimudzira vanhukadzi nekuvapa ruzivo kuti vasagarira mawoko asi kuti vawane chouviri kubva kumabasa emawoko,” vakadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, tsika nemagariro, Cde Tabetha Kanengoni Malinga vakati Hurumende inotenda sangano reEuropean Union National Institute for Cultural mukusimudzira kwaro mabasa emawoko.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×