Muchaneta Chimuka
HURUMENDE — kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye rezvedzidzo yepurayimari nesekondari — yakabatana nevatsigiri vakasiyana mukuparura chirongwa chemushonga mutsva wekurapa chirwere chechipfungwa (bilharzia) kuvana vane makore ari pasi pemakore mashanu okuberekwa.
Chirongwa ichi chakaparurwa nomusi weChitatu svondo rino paMupfure Clinic kuShamva, kudunhu reMashonaland Central.
Vatsigiri vari kushanda pamwe chete neHurumende vanosanganisira HigherLife Foundation, Tackling Infections to Benefit Africa (TIBA) neThrasher Research Fund.
Aka ndekekutanga kurapwa kwevana vari pasi pemakore mashanu chirwere ichi sezvo zvimwe zvirongwa zvainangana nevana vari muzvikoro zvepurayimari uye vanhu vakuru.
Pazuva iri, vana vakawaniswa mishonga yakagadzirwa iri mumhando yemapiritsi uye vakapihwa zvichifambirana nehuremu hwavo.
Vachiparura chirongwa ichi, Dr Cremence Tshuma vanova Provincial Medical Director kuMashonaland Central vanoti mushonga uyu wePraziquantel wauya panguva iyo wanga wakatarisirwa zvikuru sezvo chikamu che9 percent chevana vari mudunhu iri vakaonekwa vaine chirwere ichi.
“Nhasi taparura chirongwa chemishonga yechirwere chechipfungwa (Paediatric Praziquantel Bilharzia Treatment) muShamva District zvichitevera kuwanda kwenyaya idzi. Takaona kuti chikamu che9 percent chechirwere ichi chiri kuwanikwa muvana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa zvinova zvakaita kuti nyanzvi dziite ongororo kuti mazera madiki aya awaniswe mishonga. Zvinhu zvinotoshamisa kuti vana vakadai vari kuwana sei chirwere ichi kana vasiri ivo vanopinda munzizi kunowacha kana kuraura hove. Tinoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekutuhwinha munzizi kana madhamu nekuitira tsvina pese-pese nekuti ndizvo zvinoita kuti chirwere ichi chirambe chichitekeshera,” vanodaro Dr Tshuma.
Vanoti Hurumende iri mushishi kugadzirira kuti pave nekuwaniswa kwemishonga yechirwere chebilharzia kuvanhu vese munyika.
Dr Tshuma vanoti kutanga muna Kukadzi, vana 500 000 vari pasi pemakore mashanu vachange vachiwaniswa mishonga yekurapa chirwere ichi.
“Tinokurudzira kuti vanhu vachengetedze utsanana munharaunda dzavanogara nekuti utachiona hunokonzera chirwere chebilharzia hunobva mutsvina yevanhu kana mutuhozhwa tunowanikwa munzizi, mumadhamu nemunharaunda dzinogara vanhu. Tinokurudzirawo kuti musha mumwe nemumwe unge uine chimbudzi kuitira kuti vanhu vasaitira tsvina kuseri kwemakwenzi,” vanodaro.
Dr Tendayi Kamuriwo vanova District Medical Officer weShamva vanoti donzvo ravo nderekupedza dambudziko rechirwere chebilharzia munharaunda yavo.
Vanoti vari kushanda pamwe nemaVillage Health Workers uye maHealth Promotion Officers mukudzidzisa vanhu nyaya dzeutsanana.
“Mugore ra2023, takave nenyaya 3 500 dzechirwere ichi uye muna2025 takarekodha nyaya 1 341 apo chikamu che9 percent chakaonekwa chiri muvana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa,” vanodaro.
Professor Takafira Mduluza vanova Principal Investigator wesangano reTIBA vanoti chinangwa chavo ndechekutsigira kuitwa kweongororo inounza pundutso kuutano hwevanhu.
VaJustin Brown vanova mukuru weThrasher Research Fund vanoti vakaona zvakakodzera kuti vatsigire kuitwa kwetsvakurudzo yechirwere ichi pamwe nekuburwa kwemushonga uri nyore kushandiswa nevana.
Shamva District yakaonekwa iri pamberi padambudziko rechirwere chebilharzia zvichitevera kuwanda kwemadhamu nenzizi zvinoshandiswa nevanhu pakuwacha, kudiridza mbesa nemamwe mabasa.
Hozhwa ndidzo dzinotakura utachiona hwechirwere ichi kuenda kuvanhu.
Mugore ra2023, nyanzvi dzekuChina dzakabatana neHurumende uye veNational Institute of Health Research mukurwisa chirwere chebilharzia muShamva District, kunyanya munzvimbo yeChevakadzi Ward 14 iyo yainge yaita mukurumbira wechirwere ichi.




