Chirwere chemahwanda chorwiswa

HURUMENDE yakabatana nesangano reFood and Agriculture Organisation nevamwe vatsigiri muchirongwa chekudzivirira chirwere chezvipfuyo chemahwanda nedonzvo rekusimbaradza danga renyika.

Izvi zvinotevera kurasikirwa kuri kuitwa nyika ino nemisika yekunze yenyama yemombe nekuda kwechirwere ichi.

Mombe dzinodarika 19 000 dzakafa munyika yose nguva pfupi yadarika nekuda kwezvirwere zvakasiyana.

Vachitaura pamusangano wakaitwa muHarare nguva yadarika, munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vanoti chirwere chemahwanda chiri kukanganisa budiriro munyaya dzekupfuyiwa kwemombe. “Chirwere ichi chiri kuderedza upfumi kubvira kuminda nenyika yese. Ndiko kusaka tiri kuita misangano yekuti chinge chichirwiswa kuburikidza nekuunganidza mari yekutsigira zvirongwa izvi,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chichabatsira kuti vashandi vanoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo veDepartment of Veterinary Services vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Bazi ravo, vanodaro VaChitsiko, rakaona zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura vakamirira sangano reFAO, VaDavid Mfote, vanoti donzvo ravo nderekubatsira Zimbabwe kurwisa chirwere chemahwanda.

“Chikamu cheDepartment of Veterinary Services chakakwanisa kuderedza kupararira kwechirwere ichi kunyangwe zvazvo paine kushomeka kwezvekushandisa mubasa iri,” vanodaro.

Vanoti FAO yakazvipira kuti inge ichibatsira mukurwisa chirwere ichi kubva mugore ra2006 kusvika parizvino.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×