Ticharwa semvumba: Antipas

MURAIRIDZI weChicken Inn FC – Joey Antipas – anoti vacharwa semvumba mwaka uno nechinangwa chekuchengetedza mukombe wavo wePremier Soccer League uyo vakahwinha gore rapera.

Izvi zvinotevera kukunda kwakaita chikwata ichi Dynamos 3-0 svondo rapera pakatanga mitambo yePSL.

Chicken Inn yakatorera Dynamos mukombe uyu mwaka wadarika.

Mafero, sekuzivikanwa kunoitwa Antipas, anoti vanotofanira kukunya zvakasimba mukurwira kuchengetedza mukombe uyu.

“Takatanga zvakanaka chete mwaka uno asi tine hondo dzakawanda dzaticharwa dziri kutevera apo tichange tichirwira kuchengetedza mukombe wedu,” anodaro.

Munhorowondo yenhabvu yemuZimbabwe, zvikwata zvitatu zvinoti Dynamos FC, Highlanders FC neCAPS United ndizvo zvega zvakakwanisa kurwira kuchengetedza mikombe uyu mumakore akasiyana.

Mafero anoti hazvisi nyore kuti chikwata chihwinhe mukombe wePSL chozorwira kuuchengetedza.

“Hazvisi nyore kuchengetedza mukombe wedu ndicho chokwadi nekuti zvikwata zvese zvichange zvichida kukunda isu saka tinofanirwa kunge takagadzirira.

“Mwaka wegore rino uchanakidza zvikuru nekuti zvikwata zvizhinji zvakatanga zvakanaka mitambo yazvo.

“Isu tinofanirwa kuongorora mitambo yedu yose sekuuya kwainenge ichiita nekuti tiri murwendo rwekurwira mukombe uyu nezvikwata zvakawanda,” anodaro Mafero.

Svondo rino chikwata chaMafero chiri kunanga kuBeitbridge kunosangana neBorder Strikers iyo yakapinda muPSL mwaka uno.

Mafero, uyo anove akahwapura mubairo waCoach of the Year gore radarika, anoti uyu uchange uri mutambo wakaomarara zvikuru kuchikwata chake sezvo chisingazive zvakawanda pamusoro peBorder Strikers iyo iri kurairidzwa naSaul Chaminuka.

“Tiri kufanirwa kunge takangwarira mumutambo uyu sezvo tisingazive zvakawanda pamusoro peBorder Strikers, mitambo yakaita seiyi yakaoma zvikuru,” akadaro.

Mune imwe mitambo iriko Svondo rino, Highlanders – iyo yakatanga zvinonwisa mvura nekukunda Hwange 3-0 – ichange iri pamusha payo apo ichasangana neFC Platinum iyowo yakakunda Tsholotsho FC 2-1.

Kozoti Dynamos ichasangana neTriangle United mumutambo wayo wekutanga ichitambira muHarare pamberi pevatsigiri vayo.

Mitambo

Bulawayo City FC v Tsholotsho FC

Highlanders v FC Platinum

Chapungu FC v Hwange FC

Ngezi Platinum Stars FC v CAPS United FC

Harare City FC v Mutare City Rovers FC

Dynamos FC v Triangle United FC

Border Strikers FC v Chicken Inn FC

How Mine FC v ZPC Kariba FC

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×