Chirwere chemhezi chanyuka muHarare

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeguta reHarare inotsinhira nezvekunyuka kwechirwere chemhezi (scabies) munharaunda yeHopley neStoneridge.

Chirwere ichi chinonzi chakatanga kunyuka pakati pemwedzi waChikumi uye vana vane makore ari pasi pegumi nemaviri okuberekwa ndivo vari kunyanya kushungurudzwa nacho.

Mugwaro rayakaburitsa nomusi weChitatu, chikamu chinoona nezveutano kukanzuru chinoti chiri mushishi kutora matanho ekuona kuti chirwere ichi chisatekeshere nenyika kuburikidza nekuita ongororo, kurapa vari kurwara uye kukusha mashoko echenjedzo.

Chirwere chemhezi chinokonzerwa netwupukanana twunoruma ganda remunhu (microscopic mites) zvichikonzera kuti munhu anzwe kuvaviwa muviri wake, zvikuru manheru opedzisira ava kungokwenya achibuda mapundu anorwadza.

Nyanzvi dzinoona nezveutano dzinoti kana chirwere ichi chikasarapwa nekukasika chinogona kuzokura zvekuita utachiona hunonetsa kurapa.

Chirwere ichi chinopararira nenzira dzakadai sekugumana ganda nemumhu anacho kana kushandisa magumbeze, hembe, matauro, nzvimbo dzekurarira zvimwe chete.

Kanzuru yeHarare inoyambira vagari vekuHopely neStoneridge nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza kuti kana vachinge vaine zviratidzo zvechirwere ichi zvakadai sekuvaviwa ganda, kuita mapundu nezvimwe vaende kunorapwa kuzvipatara nemakiriniki ari padyo nekukasika.

Nyanzvi dzeutano dzinoti zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe nekurapwa nekukasika senzira yekuderedza kutapurirana chirwere ichi.

Veruzhinji vanoyambirwa zvakare kuti vachengetedze utsanana nekuregedza kupfekedzana mbatya, kushandisa matauro ekugezesa mamwe chete uye kuti vange vachiwacha nemvura inopisa midziyo yavane fungidziro yekuti inogona kunge yakatakura utachiona uhwu.

Related Posts

Kawara adzoka mudariro na‘Ndokekutanga’

Zvikomborero Parafini MUSHURE memakore ane chitsama achidakadza voruzhinji muZimbabwe nenziyo dzerudo dzinobata mwoyo, Alexio Kawara, adzoka zvine mutsindo — asi panguva ino, ari kutarisa nyaya dzerudo nemaziso emunhu akura uye…

Mwana (2) ane gomarara otsvaga rubatsiro

Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weDema Phase 3, kwaSeke inoti iri kutsvaga rubatsiro rwemwana wemakore maviri okuberekwa uyo akazvimba musoro nekuda kwechirwere chegomarara. Mwana uyu, Kupakwashe Nyemba, atambura nekuda kwechirwere…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *