‘Chirwere chinotevedza dzinza’

Medical superitendent paWilkins Hospital muHarare, Dr Hilda Bara, vanoti chirwere cheneurofabromatosis kukura kwenyama dzemuviri zvisisina kutsarukana uye hosha iyi inotevedza mumhuri.

“Kukura kwenyama idzi pamuviri nechemukati meganda kana pamusoro kunoitika zvichikonzerwa nekutapurirana utachiona hwacho, kazhinji kubva kuvabereki.

“Zvinokonzeresa zvakare kukanganisika kwemabhonzo zvichienderana nepabudira nyama idzi. Nyama idzi dzinokura zvekuti dzinokwanisa kuchekwa dzichipera, asi dzimwe dzikachekwa dzinodzoka zvakare.

“Zvakaoma kuti munhu arambe achichekwa nekuti kuchekwa ganda rinotova ronda. Dzimwe nyama dzakadai dzinopedzisira dzokonzeresa chirwere chegomarara,” vanodaro Dr Bara.

Tsvakiridzo yakaitwa neKwayedza padandemutande inotaridza kuti chirwere ichi chinowanzoonekwa nekutanga kwekusvibirira kweganda zvisingarwadze kana kuvava.

Chirwere ichi chinonziwo chinokanganisa huropi, tsinga nedzimwe nhengo dzemuviri.

Neurofabromatosis inonzi inowanzobata vakomana nevasikana panguva iyo vanenge vachangotanga kuyaruka uye inotevedza dzinza remunhu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *