Ogwinhisa mukadzi nemagetsi

Cassius Mushore
MUMWE mukadzi anoti murume wake anouya nepfambi kumba, omumanikidza kurara pasi, iye achirara nadzo pamubhedha wavo, uye kana akaramba anomugwinhisa nemushini wemagetsi.

Angeline Chirata akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake Sherperd Ngirazi.

Anoti nyaya iri kunetsa ndeyekuti murume wake anomumanikidza bonde pasina dziviriro asi iye achiziva kuti anoita zvechipfambi.

“Pari zvino anonditi ndirare pasi achiuya nepfambi dzake ndirimo. Akaenda kuSouth Africa akanotenga chimushini chemagetsi chaanondigwinhisa nacho kana ndaramba kurara pasi. Saka ini semunhu anorwara nemwoyo handizopikise zvaanenge andiudza kuti ndiite, ndinobva ndarara pasi nekuti chimushini ichi chinogona kuzokanganisa mwoyo wangu,” akadaro Chirata. Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Chirata.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *