Chisora orovana naTakam

DERECK Chisora (34) acharwa naCarlos Takam (37) apo vanenge vachitsigira mutambo waDillian Whyte naJoseph Parker.

Chisora (ari pamufananidzo kurudyi) – uyo anokwikwidza muboka reheavyweight – ari kumhanyidzana nenguva kuti azvirakidze kuti anogona kurwira mabhande makuru zvichitevera kukundwa kwaakaitwa katatu mumitambo yake mitanhatu yadarika.

Takam, anove wekuFrance asi ari chizvarwa chekuCameroon, akarakidza kuti anogona kuzvimirira apo akamisidzana naAnthony Joshua kusvika muround rechi10 muna Gumiguru gore radarika, asi kubva ipapo haana kuzombokwikwidza zvakare.

Akazopinzwa kuti akwikwidze mumutambo uyu pakupedzisira asi akarwa semvumba zvakashamisa vazhinji zvisinei kuti akazorikitwa hake naAJ muround rechi10.

“Kudivi raDel Boy uyu mukana wake wekupedzisira kuti arwe aende pamusoro pevamwe vatambi vetsiva uye kunaTakam mumwe mukana wake wekurwira kuti azorwire mamwe mabhande makuru etsiva zvichitevera kurwa kwaakaita naAJ zvinonwisa mvura,” anodaro puromota wetsiva, Eddie Hearn.

“Ndinonzwa manyukunyuku kuti tave kuronga mutambo uyu weheavyweight uyo ndinoona uchinakidza zvikuru kukunda ngoma kurira mwedzi unotevera, mutambo mukuru uyu.” – SportsMail boxing

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *