CHITUNGWIZA YAVA KUTORA MASITENDI

KANZURU yeChitungwiza inoti iri kuzotora dzimba nemasitendi, kusanganisira emachechi neemabhizimisi, zvinodarika 128 zvichitevera kusatevedzera kuri kuita varidzi vawo mitemo yakaita sekubhadhara mitero nekuvakisa munguva yakatarwa.

Kanzuru iyi svondo rapera yakashambadza mumapepanhau masitendi nedzimba dzakatarisana nekutorwa kuburikidza negwaro rakabva kumunyori mukuru weChitungwiza Municipality, VaGeorge Makunde.

Dzimba nemasitendi zvinoda kutorwa nekanzuru zviri mumisha inoti St Marys, Unit P, Zengeza 4, Unit D, Unit B, Unit C neUnit O.

Anoona nekuburitswa kwemashoko mukanzuru iyi, VaZephania Mandirahwe, vakatsinhira nezvekuda kutorwa kwedzimba nemasitendi aya.

“Dzimba nemasitendi atiri kuzotorera vanhu tichapa vamwe vakanyoresa kuti vanoda kutenga masitendi. Takashambadza zvose mumapepanhau, kusanganisira masitendi nenhamba dzacho.

“Tichaita izvi nekuti vanhu havasi kubhadhara mitero yemasitendi iwayo kana kuvaka nenguva yakatarwa. Saka takaona zvakakodzera kuti tiatengesere kune vamwe vane chido chekuvaka vanove vari kunetseka nepekugara,” vanodaro VaMandirahwe.

Vanoti kana paine vane zvichemo, vakasununguka kushanyira mahofisi avo mukati memazuva 21 kubvira kushambadzwa kwakaitwa chiziviso ichi.

“Takapa vanhu nguva yemazuva makumi maviri nerimwe ekuti vange vachiuya vachipa zvikonzero. Kana zvichinge zvatambirwa tinenge tave kuona kuti totangira papi. Asi kana zvichinge zvarambwa, vanhu ivavo vacharasikirwa nemasitendi kana dzimba dzavo,” vanodaro.

Vanoti vanhu vane masitendi aya vanofanira kunyora gwaro ravanounza kukanzuru riine zvikonzero zvinogutsa zvekuti arege kutorwa.

Gurukota rebazi rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde Saviour Kasukuwere, vanoti havana ruzivo nezvenyaya iyi.

“Nyaya yamuri kutaura handisati ndave kuiziva nekuti handisati ndazviverenga zvakashambadzwa zvacho maererano nemasitendi iwayo saka handikwanisi kutaura nezvazvo,” vanodaro Cde Kasukuwere.

Zvichakadai, ruzhinji rwevagari vemuChitungwiza rwuri kupokana nedanho ratorwa nekanzuru iri vachiti Chitungwiza inofanira kutarisa mamiriro akaita upfumi hwenyika.

“Havangati vanoda kutora dzimba dzedu nemasitendi vachipa vamwe vanhu vari pa’waiting list’ nekuti chero vakadaro vanhu ivavo havazokwanisiwo kuavaka kana kubhadhara mitero yacho nekuti zvinhu zvakaoma munyika muno, mari haisi kuwanikwa nyore.

“Tinotoda kuti nhau yemitero inge ichibviswa nekuti kanzuru yacho haisi kuita basa rayo nemazvo. Sekutakura marara, kugadzira suweji kana mvura chaiyo vazhinji tiri kugara kunzvimbo dzisina kana mvura uye migwagwa anongova makomba saka vanoda mari yemahara here?” anodaro mumwe mugari wekuChitungwiza uyo akaramba kuti zita rake riburitswe.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×