DZIMWE n’anga dzinoti murume wekwaChihota wekubatwa muHarare nguva yadarika aine zinyoka raive mibhagi mukombi, uyo ari kubheja kuti mapurisa vakamusunga aine nyoka iyi nevamwe vakaiona vachapera kuita mapofu nekuzvara vana zvirema, anofanira kumiswa kuita zvehun’anga.
Grey Mupinganjira (32) wemubhuku raMuhove, kwaChihota anozviti in’anga yemandiriri zvisinei nekuti anoti haana magwaro ekushandira vanhu sezvinodiwa nemutemo.
Mutemo unoti munhu akaita saMupinganjira anofanirwa kunge aine magwaro ekushanda ari pasi pemasangano anomiririra n’anga nemaporofita sereZinatha.
Mupinganjira, uyo anobva kuMalawi, akaita mbiri paakasungwa nemapurisa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rwenyamafingu apo ainge akakwira kombi ndokuendeswa kumatare edzimhosva uko akanokonwa nemhosva akaripiswa US$150.
Paaitongwa mudare, Mupinganjira akaudza mutongi wedare kuti pfungwa dzake dzakati kwesere uye nyoka iyi ndeyake yaakasiirwa senhaka pakafa amai vake.
Paakusungwa, nyoka iyi yakatorwa nevebazi rezvemhuka reNational Parks and Wildlife Management asi Mupinganjira anoti haina kumbonogarako sezvo achiti yakadzoka kwaari sezvo iri yake.
Vachitaurwa navo muhurukuro dzakasiyana, vamwe vanoita zvechivanhu vanoti murume uyu anofanirwa kumiswa zvaari kuita achizviti in’anga.
VaElisha Mutanga (50), avo vanotungamira chikamu chezveutano kusangano reZinatha, vanoti murume uyu haana kukodzera kuita basa rehun’anga.
“Murume uyu haasi chiremba kana tichitarisa zvaari kutaura. Anoti anouraya kuburikidza nenyoka achikonzera matambudziko muhama dzake. Isu semachiremba tinoti munhu uyu ngaarege zvake kurapa nekuti anosvibisa isu n’anga,” vanodaro VaMutanga.
Vakapa muenzaniso wemachira eretso aanopfeka netsvimbo nezvimwe zvombo zvinoshandiswa nemasvikiro, izvo vakati haafanirwe kunge achishandisa.
“Mupinganjira anoti haana magwaro ehun’anga, anoshandisa matsamba aamai vake vakafa avo vaanoti ndivo vakamusiira hun’anga. Tine sangano redu hombe reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) iro rinotungamirira isu sen’anga. Tinorikurudzira kuti rirambidze Mupinganjira kuramba achiita basa iri,” vanodaro.
Mbuya Marita Ried (55) vekuChitungwiza vanoti Mupinganjira ngaarege kusvibisa zita rena’nga.
“Isu sen’anga hatishande nenyoka uyewo hatiuraye vanhu. Uyu haasi n’anga saka ngaauye kwatiri timubvisire nyoka yake,” vanodaro Mbuya Ried.
Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanotiwo dzinonzi nyoka naMupinganjira hadzisi nyoka chaidzo asi kuti mishonga.
“Mushonga uyu unonzi nyakachuru kana kuti tsandukwa, unoshanda nekadende kanoiswa ropa revanhu vakafa. Igona chairo uye idzi itsika dzekumusha kwemurume uyu dzatisingakwanise kushandisa muno nekuti dzinokuvadza, hamheno Hurumende kuti ichadii naye,” vanodaro Sekuru Katerere.
Vanoti hun’anga hune mapato maviri, hwedzinza nehwekutenga.
“Murume uyu ane hun’anga hwekutenga hwembande, hwatinoti hwekuromba kwete hwedzinza hunonzi hwechikuriri. Saka tinoti vanhu vangwarire kushandirwa nemunhu uyu, vanopihwa mishonga inopedza dzinza,” vanodaro.
VaFriday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti Mupinganjira haabvumirwe kuwanikwa muchikamu chevanhu vanobatsira veruzhinji sen’anga.
“Mupinganjira ngaasiyane nekurapa vanhu nekuti haasi n’anga, anoti akasiirwa zvose naamai vake. Semukuru weZNPA ini ndinoti Hurumende ngaitore matanho nekuti munhu uyu haana matsamba anomubvumidza kurapa muno,” vanodaro.



