Chivandire otungamira Zru

SANGANO reZimbabwe Rugby Union svondo rino rakazivisa kuti rakagadza Brighton Chivandire pachigaro chadirector rinova basa raanotarisirwa kutanga musi wa1 Mbudzi.
Chinyorwa chakatumirwa kubva kusangano iri chinoti Chivandire achatsiva Liam Middleton uyo ari kusiya basa achienda kuCanada uko achanorairidza chikwata cheSevens. Chivandire anonyanya kuzivikanwa nekurairidza kwaakaita chikwata cheZim U19 pamwe necheU20 kubva mugore ra2007 kusvika 2012 uye akakwanisa kuhwina mikombe yakawanda nezvikwata izvi.

Mubasa rake idzva iri, Chivandire anotarisirwa kusimudzira mutambo werugby zvakasimba pamwe nekushanda nevarairidzi vakawanda vemutambo uyu achivapa ruzivo rwakakodzera.

Mutungamiri weZRU, John Falkenberg, anoti ari kufara kuwana mukana wekushanda naChivandire.
“Tinogamuchira Bright muZRU mubasa rake idzva iri uye tiri kutarisira zvikuru kushanda naye mukusimudzira mutambo werugby muZimbabwe. Ane ruzivo rwakakura rwemutambo uyu uye ini ndakamboshanda naye kare saka ndinoziva kuti munhu akaita sei, ndinoyemura mashandiro ake.

“ZRU ichabudirira chaizvo kuburikidza naye saka ngatibatanei timutsigire mubasa rake idzva iri,” akadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×