Cholera: N’anga dzapindira

Kingstone Mapupu

MUKURU wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakakosha kuti n’anga nemaporofita vabatsire mukurwisa kupararira kwecholera munyika.

“Hatina chatinopokana nacho nekuti machiremba nemaporofita edu vari kutevedza utsanana pakurwisa denda ratiwira iri,” vanodaro.

Mashoko aVaKandiyero anotevera pfungwa dziri kupihwa nemamwe machiremba echivanhu dzekuti zviri kukurudzirwa kuti veruzhinji vasaite senzira yekurwisa kupararira kwecholera zvinopesana nezvinotarisirwa pachivanhu.

Nedonzvo rekurwisa cholera, veruzhinji vari kukurudzirwa kusabatana mawoko pangave parufu kana pakukwazisana, kusaungana uye kuti munhu anenge afa nechirwere ichi hama dzake hadzitenderwe kuonekedzana nemutumbi wake.

VaKandiyero

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti kubvira kare, kwaive nezvirwere zvakaita secholera zvekuti kana munhu akafa nedenda rakadai, hama dzake hadzionekedzana nemutumbi wake.

“Tine denda remaperembudzi neyainzi furuwenza, kare ikako munhu akabatwa nemaperembudzi ainorapirwa kwake oga musango kusvikira afa apo aivigwa nevakuru vashoma bedzi. Pakurwara ipapo, kwaiiswa rusvingo kuti kusasvike vanhu,” vanodaro.

“Zvekunzi tisakwazisane nemawoko hazvishamise, iko kuti vafa necholera vasapinzwe mumisha zvakagara zviriko. Inga vanhu vanenge vazvisungirira kana kuzviuraya nedzimwe nzira, pachivanhu mitumbi yavo haipinzwe mumusha wani, chivanhu ichocho,” vanodaro.

Sekuru Katerere

Zvisinei, vanoti munhu anofa necholera anorohwa guva sezvinongoitwa vamwe.

Asi, imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Thomas Yakiti Mukunguta (51) vekuChitungwiza vanoti hapana chakamboipa kuti vanhu vabatane mawoko zvakaita separufu zvisinei kuti inhamo yemunhu afa nedenda iri here.

“Kubatana mawoko parufu chinhu chinokosha, ukasvika panhamo ukarega kubata mawoko zvakangofanana nekuti hauna kusvikapo uyezve pafiwa tinofanirwa kuungana zvinoreva kuchemana pachivanhu,” vanodaro.

Vanoti izvozvi kana vaine mitambo kana mapira avanoda kuita havamire kuzviita vachiti vanochengetwa nemidzimu.

Sekuru Bhaureni

Asi, VaPatrick Kapfunde (50) vekuMt Darwin vanopesana nemafungiro aya vachiti, “Hongu, pachivanhu mufi anofanirwa kuonekana nehama dzake. Asi kana zvadai hapana maitiro, tinoitawo ‘short cut’ yacho pasina kubatana mawoko.”

Sekuru Elisha Mutanga avowo vanova mukoti akadzidzira basa vari zvakare chiremba wechivanhu, vanotsigira matanho ari kutorwa neHurumende nemamwe mapoka mukurwisa kupararira kwecholera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *