Churchill, Girls High zvakadadisa

ZVIKORO zvinoti Churchill Boys High neGirls High ndizvo zvakakunda kumakwikwi eNational School Heads U20 Top School Basketball Tournament ayo akatambirwa kudunhu reMatabeleland South nguva pfupi yadarika.
Makwishu aya akatirwa kuFalcon College pamwe neUmzingwane High uye aive nezvikwata 24 – 12 zvevakomana ne12 zvakare zvevasikana – izvo zvainge zvakaiswa mumapoka mana anoti Pool A, B, C neD.

Zvikwata zvaikwikwidza zvinosanganisira shasha dzaive nemukombe uyu dzinoti Prince Edward kuvakomana neGirls High kuvasikana.

Churchill yaive muPool C umo maive nezvikwata zvinoti Goromonzi neCornway uye yakakwanisa kuhwina mitambo yayo yese ndokufambira mberi kusvika yapinda mufainari umo yakazosangana nePrince Edward ndokuikunda 47-42 mumutambo wainge wakaoma zvikuru.

Kuvasikana, Girls High yaive iri muPool B umo maive nezvikwata zvinoti Chipadze High neLerato izvo yakazvambaradza zvinonwisa mvura.

Mufainari, Girls High yakasangana neGoromonzi Girls High iyo yayakakunda zvine mutsindo 42-28.

Mutungamiri weBasketball Union of Zimbabwe, Addison Chiware, anoti mutambo uyu wakabudirira zvakanyanya sezvo zvikwata zvemuHarare zvikuru izvo zvisingaonane – Churchill nePrince Edward – zvakasangana mufainari.

Anoti mutambo uyu wakatangira kumadistricts kusvika kumapurovhinzi.

“Top Schools Tournament yakafamba zvakanaka uye mitambo yese yakatambwa svondo radarika yainwisa mvura.
“Gore rino takagadza shasha itsva kuvakomana dzinove Churchill iyo yakabvutira mukombe uyu kubva kuPrince Edward, kozoti kuvasikana chikwata cheGirls High chakarambira nemukombe wemutambo uyu.

“Zvikwata zviviri izvi zvakaenda nemikombe pamwe nemenduru dzegoridhe, Prince Edward neGoromonzi Girls zvakahwinawo sirivha.

“Zvikwata zvakauya pechitatu Cornway College kuvakomana pamwe neNkulmane Girls ndizvo zvakawhina bhuronzi,” akadaro Chiware.

Mutambo weNASH U20 Top Schools Basketball Tournament uyu wakakosha chaizvo sezvo uchibatsira kusimudzira basketball muzvikoro pamwe nekuvaka tarenda revatambi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×