Corona yorwiswa muzvikoro

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kusimbaradza matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvichitevera kunyuka kwedenda iri muzvimwe zvikoro.
Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare svondo rino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvitevedzere zvisungo zvakatarwa zvekudzivirira Covid-19 (Standard Operating Procedures kana kuti SOP).

“Nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19 muzvikoro, matanho anotevera achatorwa: kusimbaradza nyaya dzekuongorora kuti zvisungo zvekurwisa chirwere ichi zviri kutevedzerwa here, kuongororwa kwenzvimbo dzinogara vadzidzi vekumabhodhingi nekuwaniswa kwemvura kuzvikoro 48 zvekuBulawayo izvo zviri kuda mvura zvakanyanya,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti,” Pari kusimbaradzwa zvakare zvirongwa zvekuchengetedza utano muzvikoro zvakatarisana nedambudziko rekunyuka kwechirwere ichi uye kuona kuti mitemo yekurwisa Covid-19 yatevedzwa zvizere munharaunda dziri pedyo nezvikoro.”

Vanoti zvakakoshawo kuti masangano enhau aburitse nhau zvine mutsigo maringe nezviri kuitika muzvikoro pamusoro pechirwere cheCovid-19.
“Zvisinei, masangano enhau anokurudzirwa kuti aburitse zvine mutsigo nhau dzezviri kuitika muzvikoro zvepuraimari nesekondari uye kuti vatsvage zvimwe zvavanenge vachida kuziva kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari kana reutano nekurerwa kwevana. Izvi zvinoita kuti pasave nekusagadzikana kwemamiriro ezvinhu sezviri kuonekwa kubvira pakavhurwa zvikoro.”

Kusvika svondo rino, Covid-19 yanyuka muzvikoro zvinosanganisira John Tallach High School iri kuNtabazinduna, kuMatabeleland North iyo yakatovharwa zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa vana nevarairidzi vepo vanodarika 100 vaine denda iri.

Chirwere ichi chakanyuka zvakare paGoromonzi High neWaddilove High izvo zvose zviri kuMashonaland East uye zvikoro zviviri izvi zvakavharwa zvakare.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kushanda pamwe neredzidzo yepuraimari nesekondari nechinangwa chekuona kuti vana vasiri kunyora bvunzo vemuzvikoro zvakatarisana nedambudziko reCovid-19 vagare kudzimba nedonzvo rekuderedza huwandu hwevadzidzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×