Farai henyu asi . . . Moyeuka kune Corona: WHO

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti zvakakosha kuti vanhu vajairire mararamiro matsva ayo akaunzwa nekuda kwechirwere cheCovid-19, zvikuru takatarisana nekuswedera kwaita zororo reKirisimasi neGoredzva apo vanhu vakawanda vanofamba nzendo nekuita mabiko.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti vanhu vakawanda vanotarisirwa kuve nevadikani nehama dzavo panguva yezororo asi zvakakosha kuti vatevedzere matanho ekudzivirira Covid-19.

“Tose tinoda kuve nevadikani vedu panguva yezororo rakadai. Asi, kuve nemhuri neshamwari handizvo zvingaite kuti utano huve panyatwa. Tinofanirwa kufungisisa kuti upenyu hwaani hwatinenge tichiisa panjodzi nezvatinenge tichiita.

“Chirwere cheCovid-19 chasandura nzira dzatinopemberera nadzo, asi hazvirevi kuti hatifanirwe kufara. Tinokwanisa kupemberera,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoenderera mberi: “Kusanduka kwenzira dzatinopembera nadzo kuchaenderana nekuti unogara kupi. Garai muchitevedzera zvinodiwa munharaunda kana kuti munyika menyu.”

Dr Tedros vanoti zvakakosha kuti vanhu varege kufamba zvisina tsarukano pazororo asi kuti vogara kudzimba senzira yekuzvidzivirira kuCovid-19.

“Pembererai semhuri moona kuti hamusangane nevanhu vanobva kumhuri dzakasiyana. Kana mukasangana nevamwe vanenge vabva kune dzimwe mhuri, sanganai panze panzvimbo yakatambanuka, musaite chitsokotsoko uye mogara makapfeka mamasiki.”

Votaura pamusoro pezuva reWorld AIDS Day – iro rinocherechedzwa nemusi wa1 Zvita pasi rose – Dr Tedros vanoti chirwere cheCovid-19 chakanganisawo zvakanyanya vanhu vane HIV neAIDS.

“Covid-19 yakanganisa zvikuru vanhu vane HIV, sezvayangoitawo vamwe vane zvimwe zvirwere. Pane umbowo hunoratidza kuti vanhu vane HIV vari panjodzi yekubatwa nechirwere chinogona kukanganisa upenyu hwavo uye rufu kubva kuCovid-19.

“Njodzi iyi yakawedzerwa nekukanganiswa kwakaitwa nyaya dzekurapwa kwevane HIV zvichitevera kunyuka kweCovid-19,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti ongororo yakaitwa neWHO muchikamu chekutanga chegore rino kunyika 127, yakaburitsa kuti dzine chitsama zvirongwa zvadzo zvekubatsira vane HIV zvakakanganiswa neCovid-19.

“Zvisinei, zvichitevera rutsigirwo rweWHO nevashandi vezveutano vemunharaunda (community health workers), huwandu hwenyika dzakakanganiswa zvirongwa zvadzo zvekubatsira vane HIV hwakadzikira nechikamu che75 percent kubvira muna Chikumi. Iyi inhau inofadza,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti nyika dzakawanda dzemuAfrica dzakatora mukana wekuvepo kwemichina yekuvheneka HIV neTB kuivandudza kuti dzikwanise kuvheneka Covid-19 nayo.

“WHO iri kukurudzira nyika kuti dzichengetedze budiriro iyi senzira yemararamiro matsva atovepo. Kuvanhu vakawanda – Covid-19 inounza kutya. Asi inokwanisa zvakare kutipa tariro kana tikaikunda uye tinokwanisa kuikurira. Pane tariro yakanaka, zvikuru kana tichitarisa nyaya dzekugadzirwa kwemishonga yemajekiseni (vaccine) iyo yakaziviswa nezvayo masvondo adarika,” vanodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×