Coronavirus: Malaboratory ovakwa

Fiona Ruzha

HURUMENDE inoti iri kushanda nesimba kuti pave nemimwe mizinda mina yekuvheneka (laboratories) vanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane coronavirus kumativi ose eZimbabwe.

Pari zvino pane muzinda mumwe chete uri kushandiswa pakuvhenekwa kwevanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane Covid-19 uyo uri kuSally Mugabe Central Hospital, muguta reHarare.

Bazi reutano nekurerwa kwevana rinoti munguva pfupi iri kutevera kuchange kwava nemimwe mizinda yekuvheneka Covid-19 kunzvimbo dzinoti Mutare, Kadoma, Masvingo neGweru.

Director wechikamu cheEpidemilogy and Disease Control kubazi rezveutano, Dr Portia Manangazira, vanoti vari kushanda nesimba kuti nyika inge yakagadzirira kurwisa coronavirus kana chirwere ichi chikazopinda muZimbabwe.

Zimbabwe haisati yava nemunhu akabatwa aine coronavirus.

“Svondo rino takave nemusangano wekudzidzisana nevanhu vanoita zveutano kuKadoma uye tichaona kuti tadzidzisa vamwe kune mamwe mapurovhinzi ari munyika.

“Izvi tiri kuzviita nekuti tichavhura mimwe mizinda yemalaboratory kwaMutare, Gweru, Kadoma neMasvingo kuti tisawanzire basa kumakiriniki ekumapurovhinzi uye zvipatara zvakaita seSally Mugabe Central Hospital,” vanodaro.

Global Fund mazuva adarika yakati ichapa mari inosvika US$25 miriyoni kuZimbabwe yekurwisa Covid-19 uye ichashandiswa kuzvipatara zvakasiyana.

Mamwe mapoka ari kubatsira kurwisa coronavirus muZimbabwe anosanganisira mahofisi anomirira nyika yeChina muno neDepartment for International Development (DFID).

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *