Dzidziso yecoronavirus

  • Coronavirus inogona kudzivirirwa kuburikidza nekuchengetedza hutsanana
  • Coronavirus inokwanisa kuparadzirwa nekukosora, kuhotsira, kukwazisana kana kubata mhuka nokudaro chengetedzai utsanana.
  • Deredza mikana yekutapurirwa Covid-19 nekuregedza kushanya kunzvimbo dzine chirwere ichi.
  • Taurira vekuzvipatara zviri pedyo kana muine ruzivo maringe nevanhu vakamboenda kuChina nedzimwe nyika dzine utachiona uhwu kana vachiita zviratidzo zvakaita sekukosora.
  • Gezai mawoko enyu nesipo nemvura inomhanya kana muchipepa varwere, mushure mekushanyira zvimbuzi, uye musati mabata chikafu.

Nhoroondo yeCovid-19:

Chirwere checoronavirus chakatanga kuonekwa kuChina munaZvita 2019 chikabva chazopararira kudzimwe nyika.

1. Mune nyaya dzeCoronavirus here muZimbabwe?

Kusvika nhasi uno, hakusati kwava nemunhu ati abatwa kuti ane coronavirus muZimbabwe. Zvisinei, tinofanira kuramba takangwarira chirwere ichi.

2. Chii chinonzi Novel Coronavirus?

Coronavirus imhuri yakakura yeutachiona hunokonzera kurwara kunosanganisira kupindwa nechando nekuzarirwa (Middle Eastern Respiratory Sydrome kuenda kuSevere Acute Respiratory Sydrome). Chirwere cherudzi urwu change chisingawanze kuwanikwa muvanhu.

3. Ndingaita fungidziro yekuti ndine Vovid-19 kana zvichinge zvaita sei?

  • Kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, maronda pahuro, kuparara kweitsvo, kukosora uye kunetseka pakufema.
  • Chirwere ichi chinonzi chakatanga kuonekwa kuHubei Province, muWuhan City, kuChina.

4. Coronavirus inoparadzirwa sei?

  • Chinopararira zvisina tsarukano chichifamba nemumhepo kuburikidza nekukosora kana kuhotsira.
  • Kukwazisana kana kuenda pedyo nemunhu anacho unogona kutapurirwa.
  • Kubata nhengo dzemuviri dzine utachiona semaziso, mawoko nemuromo
  • Patsvina yevanhu, hapana umboo

5. Ndingaderedza sei mikana yekutapurirwa Covid-19?

  • Usaenda padyo nemunhu ane zviratidzo zvechikosoro
  • Usabata mhuka dzemusango
  • Kana uchikosora, vhara muromo wako negokora kana tishu
  • Geza mawoko ako zvakasimba nesipo nemvura
  • Mushure mekukosora kana kuhotsira
  • Mushure mekupepa murwere
  • Usati wadya kana kugadzira chikafu
  • Mushure mekushanyira chimbuzi
  • Mushure mekubata mhuka kana tsvina yemhuka
  • Kana uchinge uine zviratidzo zvakadai sekukosora, kupindwa nechando, kunetseka pakufema, tsvaga rubatsiro rwekurapwa nenguva uchiudzawo chiremba nhoroondo yekwawakashanya.

6. Ndezvipi zvimwe zviri kupihwa seyambiro nebazi rezveutano?

  • Vanhu ngavaregedze kufambisa mashoko emanyepo paWhatsApp kana dandemutande maringe neCovid-19 zvinokonzera kusagadzikana mune veveruzhinji
  • Vanhu vabatsire mukutsvaga mashoko maringe nezvinodiwa vachishanda pamwe nemachiremba
  • Tsvagai ruzivo rwechokwadi kubva kumachiremba ari pedyo nemi
  • Mhan’arai nyaya dzose dziri maringe neCovid-19 pazvipatara zviri pedyo

7. Zvii zviri kuitwa nebazi rezveutano kudzivirira Covid-19?

  • Vaenzi vose vari kubva kune dzimwe nyika vari kuvhenekwa chirwere ichi kumiganhu yenyika
  • Vaenzi vose vari kubva kunyika dzine chirwere ichi vari kuitwa tevedzo nevarapi vakafundira basa kwemazuva 14 vachiongororwa utano hwavo
  • Kune nzvimbo dzekuchengetera vanhu vanenge vari kufungirwa kuti vane Covid-19
  • Zvekushandisa zviri kuunganidzwa
  • Varapi vakakosha sezvo muzvipatara muri imo munosvikira varwere saka kune nzvimbo dzakasarudzwa kuti dzinge dzichitarisa nezvechirwere ichi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *