Coronavirus yorova varimi vemabanana

Rumbidzai Zinyuke
KAMBANI inoona nezvekutengeswa kwezvirimwa, yeBrands Fresh inoti paita kudzikira kwakanyanya pamari yainowana mukati memwedzi mitanhatu yekutanga yegore rino zvichitevera kusatengwa kuri kuitwa mabanana panguva yekunge veruzhinji vagere kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Kambani iyi yakadzikisa huwandu hwemabanana ainotengesa kubva pamatani 40 svondo rimwechete kuenda pamatani ari pasi pegumi.

Brands Fresh inotengesa mabanana munyika yose.

Kambani iyi inonyanya kutenga mabanana kuvarimi vekuHonde Valley uko kunobva chikamu che75 percent kuchiti mamwe achibva kuvarimi vekuMutorashanga, Middle Sabi nekuKariba.

VaEdward Madewekunze, avo vanova murimisi kuBrands Fresh vanoti Covid-19 yakanganisa basa rekambani yavo nerevarimi zvikuru.

“Chirwere ichi chatidzosera kumashure zvakanyanya uye munhu wose akanganiswa nacho. MunaKurume, takadzikisa huwandu hwemabanana atinotenga kuvarimi kubva pamatani 40 kuenda pamatani 10.

“Asi iye zvino tave mumwaka wechando, mabanana atiri kutenga tadzikisa zvakare kuenda pamatani mashanu pasvondo dzimwe nguva. Musika wedu wemaMutare unowanzotora matani maviri pasvondo, asi iye zvino tiri kuendesa pakati pe500kgs netani rimwe chete pasvondo,” vanodaro.

Musika wemabanana unonzi wakanganiswawo nekudzikira kuri kuita mitengo yechirimwa ichi sezvo vatengi vasina mari pari zvino.VaMadewekunze vanoti mwedzi waKurume usati wasvika, vaitenga mabanana kubva kuvarimi ne$6,30 pakg asi iye zvino mitengo yadzika kuenda pa$4 pakg.

VaEnock Madzinga, avo vanorimira vari kwaMandeya, vanoti vakasvika pakutengesa mamwe mabanana avo nemutengo wakadzikira zvikuru kuvanhu vemunharaunda.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×