‘Murume wangu anondiruma’ …‘achindisveta ropa’ …‘panguva yebonde’

Munyori weKwayedza
NYAYA yemurume anonzi ane mweya unomutuma kuruma pamwechete nekusveta ropa remudzimai wake sezvinoitwa nechipuka chinozivikanwa nekuti “vampire” yakapinda mudare reMutare Magistrate’s Court svondo rapera.

Nella Chitaitai akafumura gure iri paakamira pamberi pedare nemusi weChipiri mushure mekunge amhan’arira murume wake Moses Nyamuteka achida mari yemendenenzi yevana vaviri.

Chitaitai anoti Nyamuteka ane mazino akarodzwa zvinoita kuti arwadziwe zvikuru panguva yaanomuruma.

“Anonditaurira kuti ane mweya unomuudza kuti andirume uye panguva yatinenge tichida kuita bonde tinotomborwa. Ndine mavanga muviri wangu wose ekurumwa naye.

“Pose pandinomuudza kuti achengete vana, tinopedzisira tava kurwa achindiruma. Patinoita bonde anondiruma zvakare.

“Ndikamubvunza kuti anozviitirei anongondipa mhinduro imwechete yekuti ane mweya we‘vampire’.

“Ndinoshamisika nazvo kuti mweya uyu hauite here kuti arume mudzimai wake wekutanga nekuti handisati ndambonzwa achinyunyuta,” anodaro.

Nyamuteka anorambisisa nyaya iyi achiti Chitaitai agara aine mavanga iwaya kubva vasati varoorana makore mapfumamwe adarika.

Chitaitai anosimbirira nenyaya yekuti Nyamuteka anomuruma achimusveta ropa.

“Akatogara azvitaura kuti acharamba nyaya iyi asi ndeyechokwadi. Ndine maronda matsva chaiwo anoratidza paakapedzisira kundiruma mwedzi wadarika,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Aida kundibaya nebanga ndakazomurumawo senzira yekuzvidzivirira apo aitoita kunge munhu asvikirwa,” anodaro                              Nyamuteka.

Chitaitai aida mendenenzi ye$1 900 yevana vaviri asi Nyamuteka akati anokwanisa kubhadhara $600 achipa chikonzero chekuti anotambira $1 300 pamwedzi.

Nyaya iyi yakanzi ichazoenderera mberi nekutongwa kana Nyamuteka aunza magwaro emari yaanotambira kubva kubasa kwake.

Nyamuteka akazoburitswa mudare nechisimba nemapurisa mushure mekunge aramba achipopota achiti mudzimai uyu aingoda kumupfidzisa bedzi.

“Kana ndikabvisa mendenenzi anoda kuzotsvaga musikana webasa kuitira kuti iye azosasana neshamwari dzake achisiya vana vangu vari voga,” akadaro achidaidzira mudare iri.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×