Courage ofemeswa nemudzimai

Arnold Kaseke
ZITA rekuti Courage, iro rinoreva kuve nehushingi, rakashaya basa kune mumwe murume uyo anoti aigara achirohwa kusvikira adzingwa pamba nemukadzi wake.
Courage Mugande akaendesa mukadzi wake, Rutendo Musanhi, kudare Harare Civil Court achiti akamudzinga pamba pamwe chete nevana vake vaakaita nemumwe mukadzi uye anogara achimushungurudza.

Kubva pandakaregera kushanda ave kundibata nekuseri kweruwoko.Akatondidzinga kumba, haatodi kuti ndione vana vangu vatatu vandakaita naye. Akandirova ndokuzodzinga inini wacho pamba. Iye zvino ndave kutogara muchitoro changu. Anogara achinditumira mameseji ezvinyadzi achindituka paWhatsApp. Ndibatsireiwo nekuti mukadzi andishungurudza,” akadaro Mugande.

Musanhi akati zvose zvakataurwa naMungande manyepo.
“Nyaya iri kunetsa apa ndeye kuti haasi kunzwisisa kuti vana vake handichakwanise kuvachengeta. Vana vake ndini ndaivabhadharira mari dzechikoro makore ose aya asi iye zvino handichakwanise. Handina kumbodzinga munhu pamba ini. Munin’ina waamai vevana ava anogara kuUnited Kingdom akabvuma kupota achivapawo mari dzechikoro.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akati vaviri ava vagarisane murunyararo uye vana vacharamba vachigara pamba asi vachitumirwa mari yechikoro kubva kuna amainini vavo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×