‘Vakadzi ndivo vandiwandira’

Yvonne Chipato
SAIMBA wekuchema-chema mudare achiti haakwanise kubvisa mari yemendenenzi yaidiwa nemukadzi wake sezvo aine madzimai akawanda akadzokera kumba musoro umire apo akanzi anofanira kubvisa mari yekuchengeta vana vake.
Angela Mungwiro akaendesa Crispen Mutota kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira vana vavo.
“Ishe wangu, ndinodawo kuti baba ava vandipe $90 patemu yoga-yoga yemwana wedu yechikoro. Chikafu nezvimwe zvese zvinodiwa pakuriritira mwana ndichamuitira. Chandinongoda kwavari imari yechikoro chete.

“Baba ava havariritire vana vavo, mari yavo inoperera kuvakadzi chete. Mwana wedu mukuru akapedza chikoro ndichimubhadharira mari yechikoro ndega asi ivo baba vavo vari vapenyu. Ndaneta nekushandira vana ndega baba ava vachidya nyika rutivi.

“Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira vandipa mari yemwana yechikoro,” akadaro Mugwiro.
Achipawo divi rwake, Mutota akati haakwanise kubhadhara mari iyi sezvo ari kudya nhoko dzezvironda.

“Mari inodiwa nemukadzi uyu hakuna kwandinoiwana, ndine vamwe vakadzi vaviri nevana vanodawo kuriritirwa neni. Upenyu hwakandiomera zvakanyanya zvekuti handikwanise kubhadhara mari yemendenenzi yaanoda.

Anonyatsoziva kuti mhuri yakandiwandira, handizive kuti anoti mari yakawanda kudaro ndinoiwana kupi.
“Ndinokumbirisawo kuti dai Mungwiro andibatsirawo nekuramba achichengeta vana vedu pamwe nekuvaendesa kuchikoro uye kana zvinhu zvazondirerukira ndinozomupa mari yake,” akadaro Mutota.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akati Mutota anofanira kuriritira vana vake ndokunzi abhadhare $30 yechikoro pamwedzi.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×