Covid-19 nevakaremara

Muchaneta Chimuka
SANGANO reZimbabwe Parents for Handicapped Children (ZPCHA) rinoti vanhu vakaremara mitezo vari kusangana nematambudziko panguva ino yekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo rubatsiro rwavaisiwana rwusisiri kuuya sakare.

Mai Theresa Makwara, avo vanove murongi kusangano iri, vanoti kunyangwe zvazvo vanhu vakaremara vari kuwana rubatsiro, ruyamuro urwu rwanyanya kungorerekera panyaya dzekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Hongu, kune masangano ari kutitsigira apo neapo, asi havasi vose vakaremara vari kubatsirwa. Rubatsiro rwuri kunyanya kuuya mazuva ano nderwechikafu uye midziyo yekudzivirira chirwere cheCovid-19. Asi zvose izvi hazvisi kukwana kana tichienzanisa nehuwandu hwevakaremara vanoda kubatsirwa.

“Vazhinji vevabereki vane vana vakaremara vave kutoita mabasa ekupemha zvinova zvinovaisa panjodzi yekutapurirwa Covid-19,” vanodaro.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vanhu vakaremara mitezo avo vanodonongodza mararamiro avari kuita mazuva ano.

Mai Jamela Bakali (53) vekuEpworth — avo vakabviswa maziso avo ose nekuda kwegomarara — vanoti vari kukundikana kuwana chikafu chemhuri.

“Corona isati yauya, ndaimbopemha ndiri pamusuwo wechimwe chitoro chinotengesa hembe pedyo nekuCopacabana. Asi nekuda kwekuti bhizimisi harichafamba, hakuchina vanhu vari kuenda kuchitoro ichocho saka ndakabva pekupemhera.

“Vanhu vanenge vatengawo chikafu chavo vanondikandira asi kashoma nekuti vamwe vanongokupa zvihwitsi zvavanenge vapihwa sechenji izvo zvisingagutse. Haisi mhosva yavo nekuti munhu wose akaomerwa munguva ino yeCovid-19,” vanodaro.

Mai Bakali vanoenderera mberi: “Ndine shungu dzekuti dai ndawaniswawo mashoko pamusoro pechirwere cheCovid-19 nekuti ndinongonzwa vanhu vachitaura nezvacho asi handisati ndaziva kuti chakamira sei.”

Greatman Tongai Gwaze, uyo anova muimbi akaremara, anoti raramo yavo yasanduka zvikuru kana zvichienzaniswa nemazuva ayo chirwere cheCovid-19 chaisavepo.

Mashoko ake anotsinhirwa naDaniel Gonora anovazve muimbi asingaone achiti ari panguva yakaoma sezvo aisimbopona nekuimba mumigwagwa yeHarare, izvo zvaasiri kukwanisa kuita zvino.

Kuchiti gweta Abraham Mateta, uyowo asingaone, anoti vari kusaririra zvikuru panyaya yemashoko munguva ino yeCovid-19 sezvo vasiri vose vane maredhiyo ekuti vaterere uye kushomeka kwevakafundira mutauro weBraile.

Mitemo yakadzikwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana inorambidza zvekuungana, kufamba-famba nekusashambidzika sezvo zvichikonzera kupararira kweCovid-19.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×