COVID-19 TINOIKUNDA: CHIPEZEZE

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wechikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors uye achitambirazve Baroka yekuSouth Africa, Elvis Chipezeze, anoti veruzhinji vanofanirwa kuzvipira mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuti chipere, vanhu vagokwanisa kudzokera kumararamiro avajaira.

Chipezeze, uyo ari kugara ari mumba kuSouth Africa achiita gadziriro dzake dzenhabvu arimo nekuda kwekuti veruzhinji havasi kutenderwa kufamba-famba, anoti zvakakosha kuti vanhu vatevedzere kurudziro yeHurumende yekugara mudzimba sezvo zvichibatsira mukumisa kupararira kweCovid-19.

“Ngatirambe tichingotevedzera zvatiri kunzi neHurumende tiite. Ngatisaungane nekuti chirwere ichi chinoramba  chichingotenderera. Yave nguva yekuti Covid-19 ichikurirwa, vanhu vodzokera kuupenyu hwavo hwavajaira uye tisarambe tichishaikirwa nevanhu vakawanda,” anodaro Chipezeze, uyo kana riri zuva rake anoita mabhora ekukacha kubatsira sekatsi pagedhi.

Muchinda uyu anoti akapihwa gwaro regadziriro dzenhabvu nechikwata chake iro ari kutevedzera ari kumba kwake. Anoti Covid-19 yakakanya zvikuru mutambo wenhabvu uye mararamiro evanhu, kusanganisira vatambi.

“Covid-19 yakatikanyira zvakawanda asi tinoikunda, ngatingorambe tichitevedzera mitemo chete tirambe tichigara mumba. Ini gadziriro dzangu mumba, ndine zvirongwa zvandiri kutevedzera zvandakapihwa nechikwata changu,” anodaro.

Mwaka uno mumitambo yeBaroka muPSL yekuSouth Africa, Chipezeze ndiye anga ari panyanga pagedhi uye haana kungotamba mutambo mumwechete bedzi.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *