Ndasuwa nhabvu: Antipas

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu uye kuramba akagara pamba nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakurwadza asi ajaira sezvo zvichibatsira hupenyu hwake nehwevakawanda.

Mafero — uyo akatungamira maGamecocks kuhwina mukombe weCastle Premiership mugore ra2015 — anoti kugara asingarairidze mutambo waanodisisa uye kuuona kwakaoma asi vanhu vanofanirwa kugara mudzimba kuti vange vakachengetedzeka.

“Ndasuwa mutambo wedu asi iye zvino chakakosha kunge takachengetedzeka kuti coronavirus isarambe ichipararira.

“Ngatitevedzere zvinodiwa chete, ini ndiri mumba mangu uye handisi kumbobuda,” anodaro Mafero.

Ari mamwe makore, mitambo yePSL ingadai yakatanga asi yakambomiswa nekuda kweCovid-19 senzira yekuti vanhu vasaungane uye kuti chirwere ichi chisapararire pakati pevanhu.

Antipas anoti mwedzi miviri mutambi asingatambe nhabvu yakawandisa chaizvo saka ari kukurudzira vatambi vake kuti vange vachiita gadziriro vari kudzimba dzavo nekuti hapana anoziva kuti mitambo inotanga rinhi.

“Vatambi venhabvu vanofanirwa kukoshesa miviri yavo saka tiri kutovakurudzira kuti vari kudzimba dzavo vambomhanya uye kuita gadziriro dzakasiyana. Chirwere ichi chatidzidzisa kuti tinofanirwa kufamba nezviripo,” anodaro.

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *