Covid: ‘Imhandu yapinda mumba’

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vanamujibha nanachimbwido reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti apo nyika iri kupemberera zuva rekubatana, reUnity Day, zvakakosha kuti veruzhinji vabatane zvakare mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo chakangofanana nemhandu inenge yapinda mumba kana munyika.

Zuva iri rakavepo zvichitevera kubatana kwakaita bato reZanu nerePF Zapu mugore ra1987.

Munyori mukuru weZILIWACO, Cde Shain Chakanyuka, vanoti kana vanhu vakabatana uye kutevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kweCovid-19, zvinova nyore kukunda chirwere ichi.

“Isu sesangano reZILIWACO, tinofadzwa zvikuru nekubatana kwakaita mapato maviri aya zvikaunza budiriro munyika yose uye izvozvi tinoona zvibereko zvekubatana uku. Tine zvakawanda zvemabasa ebudiriro zvatiri kuita kuburikidza nekubatana uku,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanokurudzira veruzhinji kuita chirwirangwe panyaya yekupedza chirwere cheCovid-19 icho chavanoti chakafanana nemhandu yapinda munyika.

“Pachivanhu tinoti imbwa mbiri hadzitorerwe nyama, nekudaro apo tiri kuparidza kubatana kwedu kwakaunza runyararo nezvibereko zvatinoona nhasi, ikurudziro yedu zvakare kuti tirambe takabatana muhondo yekurwisana nechirwere ichi, hazvidi kuti tivarairwe paCovid-19,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ngatitevedzei zvose zvinodiwa kurwisa Covid-19 sekupfeka mamasiki, kusanganisirawo nepazororo reKirisimasi uye tisvike muGoredzva tiriko tose pasina anorwara.”

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×