Zvibhorani neCovid-19

Muchaneta Chimuka
NHENGO dzekomiti inoona nezvekuwaniswa kwemvura kune veruzhinji kuChitungwiza, yeWater Collection Point Committee, dzakawaniswa ruzivo pamusoro penzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 pazvibhorani dzinova nzvimbo dzinozivikanwa nekuwanda vanhu zvichipa mikana yakakura yekupararira kwechirwere ichi.

Dzidziso iyi vakaiwaniswa nesangano rinorwira kodzero yekuti vanhu vawaniswe mvura yakachena yekushandisa, reCommunity Water Alliance (CWA), pamwe nerutsigiro rwekanzuru yeChitungwiza, Deaf Zimbabwe Trust neShamwari Yemwanasikana munzvimbo yeZengeza neUnit D.

Vachitaura pachirongwa ichi, VaHardlife Mudzingwa, avo vanova murongi mukuru kusangano reCWA, vanoti dambudziko rekunetsa kwemvura muChitungwiza ndiro riri kuita kuti vanhu vaswere vakaungana pazvibhorani zvinova zvinopa mikana yekupararira kweCovid-19 nezvimwe zvirwere zvemanyoka.

“Dhorobha reChitungwiza rinopona nemvura inobva kuHarare, kureva kuti kana mvura iri shoma kuHarare, vagari vemuChitungwiza vanoomerwa zvikuru chinova chikonzero vachiungana pazvibhorani. Tinokurudzira vatungamiriri vepazvibhorani (Water Collection Point Committees) kuti muone kuti munhu wose anosvika pachibhorani ageza maoko uye anenge akapfeka masiki akamira chinhambwe chemita kubva pane mumwe munhu kuti tikwanise kurwisa Covid-19,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti vakacheresa zvibhorani zvinosvika 25 pamwe nekugadzirisa zvimwe 25 zvaiva zvakafa senzira yekuona kuti vanhu vawana mvura yakaringana.

“Tine shuviro yekuti kudai tawanawo ruzivo rwechizvino-zvino rwezvibhorani zvakawanda zvinoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva kuitira kuti vanhu vasagweje zviborani nemaoko nekuti ndizvo zvimwe zvinokonzera kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

VaMeya vanoti mhirizhonga dzinofanira kuderedzwa pazvibhorani kuburikidza nekushandiswa kwemakomiti anoona nezvezvibhorani apo anofanirwa kuronga vanhu mumitsetse kuitira kuti mumwe nemumwe awane mvura yakaringana.

Jabulani Mutunzi

“Vanhu vakaremara, vakwegura, vakazvitakura nevane vana vanofanira kupihwa mukana wekutanga wekuwana mvura kuti vasazoswera pazvibhorani. Tinokurudzira zvekare kupfekwa kwemamasiki kuti kunge kuchivandudzwa pazvibhorani nedzimwe nzvimbo dzeveruzhinji sekumisika nekuzviteshi zvemabhazi nekuti vanhu vari kuita vachivarairwa,” vanodaro VaMeya.

Kanzura weWard 15 kuChitungwiza, VaJabulani Mutunzi vanoti munharaunda mavo mune nyaya dzakawanda dzechirwere cheCovid-19 uye dzinogona kuwezera kana vanhu vakaramba vachiungana kuzvibhorani.

“Vanhu vachiri kuungana zvakanyanya kuzviborani, kunhamo, kumachechi, kumisika, kumabhawa nekumabhazi uye vanenge vasina kupfeka mamasiki. Ndinovimba kushaya ruzivo chaiko nekuti vazhinji vachiri kutora Covid-19 sedambe, chikonzero chiri chekuti havasati vamboona munhu ane chirwere ichi achifa vakatarisa,” vanodaro.

Sangano reCWA rakapa mishonga yemasanitizer, sipo nemamasiki kumakomiti anoona nezvezvibhorani munzvimbo dzinosanganisira Chitungwiza neHarare kuti zvishandiswe nevanhu pavanosvika pazvibhorani nechinangwa chekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×