Covid yokanganisa varimi vechidzimai

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kukanganisa zvikuru mabasa evanhukadzi vari munyaya dzekurima zvichitevera matambudziko avari kusangana nawo sekutadza kuenda kumisika kunotengesa zvirimwa zvavo nekunotenga zvekushandisa.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende yakazivisa kuti chikamu chezvekurima chakakosha maringe nematanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 (essential service) madzimai anorimira kumaruwa ari kusangana nematambudziko apo vanofamba nzendo dzinosanganisira kuenda kumisika.

“Pakaziviswa neHurumende kuti varimi vari muchikamu chakakosha chevashandi takafara zvikuru. Asi kune vamwe varimi vechidzimai vasina ma’offer letters’ uye ma’title deeds’ eminda yavanorima avo vari kukundikana kupihwa matsamba ekufambisa (exemption letters) nekuti anopihwa vane umboo hwekuti varimi chaivo.

“Vamwe ishirikadzi dzakasiiwa dzisina michato saka minda yakangoramba iri mumazita anababa. Izvi ndizvo zviri kuita kuti varimi vechidzimai vaomerwe panyaya dzekufamba,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti pari zvino zvirimwa zvizhinji, kunyanya chibage, zviri kutambudzwa nemakonye nokudaro varimi vanenge vachida kunotenga mishonga kumadhorobha nemaguta asi kana pasina matsamba ekufambisa zvose izvi hazvigoneki.

“Tiri kutarisira goho guru mwaka uno zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda uye nekuda kwechirongwa chePfumvudza. Tiri vabereki vane mhuri dzinoda kuriritirwa uye tinopona nekutengesa zvirimwa zvedu. Asi, tava kupedzisira tozvitengesera munharaunda matinogara nekuti kuenda kumaguta kune misika mikuru kunoda magwaro ekufambisa,” vanodaro.

Muzvare Olga Nhari, anova sachigaro mukuru wesangano reWomen in Agriculture, anoti chirwere cheCovid-19 chiri kudzikisira zvikuru mabasa ekurima.

“Tine madzimai anopfuya hove, huku, mbudzi nekurima vachiriritira mhuri dzavo zvakanaka. Asi nekuda kwechirwere ichi, vamwe vakarasikirwa neupenyu uye vamwe vachiri kurwara zvekuti kana kuenda kuminda chaiko havachakwanisa,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×