Covid yovhiringa zvirongwa zveTB

Thandeka Moyo-Ndlovu

MATUNHU anoti Bulawayo, Midlands, Matabeleland North neSouth ndiwo ane vanhu vakawanda vakafa nechirwere cherurindi (TB) muZimbabwe gore rapera panguva iyo kunyuka kwedenda reCovid-19 kunonzi kwakakanganisawo zvirongwa zvekurwisa chirwere ichi.

Izvi zvakabuda pakucherechedza zuva reWorld Tuberculosis Day nemusi weChitatu apo Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukukurudzira kurwiswa kwakasimba kweTB.

Gore roga-roga, zuva iri rinocherechedzwa nemusi wa24 Kurume nedonzvo rekupa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere ichi.

Gwaro re2019 WHO Global TB Report rinoti Zimbabwe iri pakati penyika 30 dziri kutambudzwa neTB, TB/HIV uye MDR-TB kubva mugore ra2016 kusvika 2019.

MuZimbabwe, vanhu 29 000 vanonzi vakabatwa neTB muna2019 apo 6 300 vakafa nedenda iri.
Vanhukadzi vane makore ari pakati pe15 ne44 okuberekwa ndivo vanonyanya kutambudzwa nechirwere ichi.

Vachitaura pazuva rekucherechedza World Tuberculosis Day, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga, vanoti kunyuka kweCovid-19 kwakadzosera shure zvirongwa zvekurwisa TB.

“Zimbabwe, pamwe chete nepasi rose, yakaita sungawirirano pamusoro pechirongwa chekuzvipira kupedza dambudziko rechirwere TB, cheEnd TB Targets. Kunyuka kweCovid-19 muna2020 kwakadzosera kumashure budiriro yange yavepo mukurwisa TB,” vanodaro.

“Vanhu vane chitsama vakafa muna2020. Ndufu dzakawanda dzeTB dzakaitika kumatunhu eMatabeleland South, Matabeleland North, Midlands neBulawayo avo vaive chikamu chiri pakati pe11 ne18 percent chevakafa neTB.”

VP Chiwenga vanoenderera mberi vachiti, “Kukanganisa kweCovid-19 kunoonekwa kunyanya panyaya dzerusarura uye kusawanikwa nyore kwenyaya dzeutano izvo zvakaita kuti vane TB vanonoke kuvhenekwa nekurapwa.

“Zimbabwe iri kuramba yakatirisana nedambudziko remhando yeTB isingadavire mishonga inoshandiswa pakuirapa.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×