Cranborne Bullets U21 hutu nemukombe

Abel Ndooka

CHIKWATA cheCranborne Bullets Under 21 ndicho chakasimudza mukombe weChallenge Football League Under 21 Soccer Tournament iyo yakatambirwa pachikoro cheAllan Wilson svondo radarika.

Mutambo uyu wakarongwa neChallenge Football League Under 21 segadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva weligi iri.

Cranborne Bullets U21 yakahwina zvichitevera kukunda kwayakaita Friendly Academy 2-0 mufainari iyo yainakidza zvekukunda ngoma kurira.

Mutambo uyu waive une zvikwata zvinomwe zvinosanganisira Prime Rangers Academy, DC Academy, Black Rhinos Under 21, Effenberg neSportsvale, Cranborne neFriendly Academy.

Achitaura pakapera mutambo uyu, sachigaro weChallenge Football League – Samuel Horonga – anoti anofara zvikuru nematambiro akaita zvikwata zvakauya kuzokwikwidza.

“Gadziriro dzekutanga kwemwaka wedu mutsva dzave padanho repamusoro uye tiri kunzwa manyukunyuku tichiona kugadzirira kwaita zvikwata zvedu zvizhinji.

“Donzvo redu seligi kubika vatambi vemangwana uye kupa mikana yakasiyana kune vechidiki nekuti remangwana ndivo vachazotambira zvikwata zvikuru zvePremier League nemuDivision One,” anodaro.

Horonga anoti mitambo yavo paichange ichitambwa mwaka uno, vachashevedza varairidzi venhabvu kuti vazoongorora vatambi uye chinangwa chiri chekuvashambadza.

“Takatarisana nemwaka wedu mutsva uri kuuya, isu tichashanda nevarairidzi vakasiyana vakuru avo tichapota tichishevedza vachizoona mitambo yedu yakasiyana vachiongorora vatambi vedu.

“Panopera mwaka wedu, tikanzwa kunzi tine vatambi vaviri kana vatatu vatorwa nezvikwata zvemuPSL kana muDivision One chaimo, tinotofara zvikuru nekuti zvinenge zvatorakidza kuti tiri kuita basa.

“Saka tagadzirira mwaka wedu uye tinoti makorokoto kuCranborne Bullets U21 nekuhwina kwayaita,” anodaro Horonga.

 

 

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×