‘Ndakapihwa huroyi nen’anga’ . . . yakandiudza kuti ndichazviona

 

Kingstone Mapupu

MURUME anova muimbi achiri kusimukira anogara kuRetreat kuWaterfalls, muHarare anoti anorota akarara pamusoro pemakuva evatorwa mazuva ose uye izvi zvakatanga mushure mekunetsana kwaakaita neimwe n’anga yaanoti aida kuti imubatsire padambudziko rehurwere.

Gilbert Manyame (41), uyo kumusha anobva kuMarondamashanu kuManyene kudunhu raMambo Nyoka, kuChivhu uye achitungamirira chikwata cheManyene Express, anoti mwedzi mitatu yakadarika akanzwa pane imwe nhepfenyuro pachishambadzwa mumwe muporofita ane mukurumbira wemuHarare apo pakaiswa nhamba dzake dzekufona kune vanoda kubatsirwa mune zvakasiyana.

“Ndakazoridza nhare panhamba dzandakatora panhepfenyuro idzi ndokutaurirwa kuti ndiende  kuGoromonzi kwaRusike uko ndakakwira bhazi ndikaenda. Ndasvika ikoko, ndakashamiswa kuona n’anga kwete muporofita sekutaurwa uko zvakanga zvaitwa. Ndakanzi nen’anga iyi ndirare nevamwe varwere vaida kubatsirwa ndichizofuma ndichiendeswa kumadziva kurwizi kunogezeswa nemishonga,” anodaro Manyame.

Anoti akatya kubvunza kuti sei panhepfenyuro paitaurwa zita remumwe muporofita izvo zvakasiyana nekuzowana n’anga uko akaita.

“Nekutya, semunhu asina kumbobvira akapinda mun’anga kana kurapwa nen’anga, ndakatiza nepakati peusiku. Ndakafamba netsoka kubva pan’anga iyi kusvika kumugwagwa wemabhazi uko ndakazokwira kwachena. Ndakadzoka kuHarare apo n’anga iyi yakazonditumira mashoko panhare pangu ichiti yaizopedzerana neni sezvo yaindipomera kuti ndakanga ndaenda kunosora kudare kwayo ndisingade kurapwa,” anodaro Manyame.

Anoti n’anga iyi yakaramba ichimuvhundutsira kuti yaizopedzerana naye nenzira idzo isina kutsanangura.

“Ndabva kun’anga iyi, yakanditumira mashoko ekundivhundutsira ichiti uchazviona, ndakabva ndasvikorwara zvikuru ndikaenda kuchipatara uko ndakagara ndichirapwa. Ndabuda muchipatara, ndakauya kumba kwehanzvadzi uko ndiri kugara ndokutanga kurota n’anga iyi ichinditora toenda kumakuva uko inosvikondirarisa pamakuva akasiyana ndakatarisa mudenga iyo ichiteketera nekuuchira yakanditarisa,” anodaro Manyame. Anoti usiku haarare hope dzichiramba kuuya uye apo anongoita madzikirira, n’anga iyi inobva yauya kuhope yoenda naye kumakuva akavakirwa neasina, angava evakuru kana evana.

“Hope idzi dzinouya kunyangwe masikati ndangobatwa nemadzikirira. Nyaya yava kundinetsa ndeyekuti ndava kushaya kuti ndodzokera sei kun’anga iyi sezvo ndichitya kuti inogona kunowedzera matambudziko aya kwandiri. Ndinoda kusvika kumuporofita akaita kuti ndiwane nhamba dzake panhepfenyuro uyu ndinzwisise kuti zvakafamba sei kana kuti andibatsira iye,” anodaro Manyame.

Murume uyu anoti akambogara kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko akazobatwa chirwere cherurindi icho ari kurapwa.

“Kurwara kwangu neTB imwe nyaya asi n’anga iyi yakatumira mweya kwandiri unokonzera kuti ndiirote ichinditora mumba kuenda neni kumakuva. Handirare usiku, ndinozowana mukana kwayedza apo ndinoita madzikirira pandinorota hora idzi, ndinoda kubatsirwa,” anodaro Manyame.

Anoti akasiyana nemudzimai ane vana vaviri.

“Handikwanise kudzokera ndoga kun’anga iyi, ndinotoda vanonditungamirira kana kuti vayananisi. Muviri wangu unopera simba, basa rekuimba radzokera kumashure. Semunhu anoimba Sungura neAfro Jazz nechikwata changu cheManyene Express, ndaida kutsikisa dambarefu rechitanhatu izvo zvadzokera kumashure,” anodaro Manyame.

Mai Lina Manyame (50) vanove hanzvadzi yemurume uyu vanotsinhira nyaya iyi.

“Haarare, ndinonzwa achiridza redhiyo mumba make husiku hwese kusvika kwayedza, anotozoedzesera kurara masikati apo unonzwa achichema achirota nyaya dzake dzekumakuva idzi. Zvimwe zvizhinji ndazvinzwa nhasi mauya imi (vatori venhau) kudai,” vanodaro Mai Manyame.

Vanoti vakaberekwa vari vapfumbamwe mumba mavo apo ivo voga ndivo vakazvipira kubatsira hanzvadzi yavo iyi.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nen’anga iri kupomerwa kuti yakapa Manyame huroyi iyi sezvo nhare yacho yakange isingabatike mushure mekuzamwa kufonwa kakawanda.

Prophet Elijah vechechi yeMercy World Mt Gilead vanoti Manyame anogona kunge akapinzwa chitendero cheSatanisim asingazvizive.

“Murume uyu ari kutovingwa nen’anga iyi ichimumutsa vachienda kumakuva, kureva kuti ava kutoroya. Anoda kubatsirwa nguva iripo nekuti chasara achayedzerwa ari kumakuva uku nekuti shavi rehuroyi raakapihwa ratosimba,” vanodaro Prophet Elijah.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGift Muzanenhamo avo vanozivikanwa zvekare saSekuru Tasvu vemuHarare vachiti Manyame anogona kunge akatandidzirwa mweya wakaipa paakaenda kun’anga uko akazobva achitiza.

 

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×