CUMA yosimudzira zvidzidzo zvenhabvu

CHIKWATA chenhabvu cheCUMA Football Academy icho chiri kuKadoma chinoti chakazvipira kubatana nezvikoro mukusimudzira zvidzidzo, zvikuru mumitambo yakaita senhabvu sezvo vamwe vadzidzi vachikwanisa kuzowana raramo kubva mairi mune remangwana.CUMA Football Academy inokwikwidza muDivision Two B umo yakapedza iri pechitatu mwaka uno, kumashure kweMakwiro FC neBlue Jets.

Achitaura svondo radarika pachikoro cheSir John Kennedy pazuva rekupihwa mibairo kune vadzidzi vakakunda vamwe, mutungamiri weCUMA Football Academy, Hurbert Manyowa, anoti chikwata chavo chinokoshesa budiriro muchikamu chedzidzo munyika.

“Dzidzo ndiwo musimboti, pasina dzidzo vana vedu hapana kwavanosvika saka zvakakosha chaizvo kuti titsigire dzidzo yevana vagove neramangwana rakanaka.

“CUMA Football Academy iripo pakutsigira zvirongwa zvose zvine chekuita nedzidzo muKadoma uye tiri kushanda takabatana nezvikoro zvakasiyana mukuona kuti fundo yakanaka iri kupihwa kuvana.

“Vatambi veCUMA vazhinji ndevechidiki vari kusimukira vamwe vachiri kutoenda kuchikoro saka tinonzwisisa zvakakoshera dzidzo,” anodaro Manyowa.

Muhurukuro neKwayedza, Manyowa anoti parizvino CUMA iri kushanda nezvikoro zvinosanganisira Sir John Kennedy, Vibrant Boomz Academy neGomo School yekuMidlands.

“Tinoshandisa zvakare nezvikoro izvi kutsvaga vatambi venhabvu vemangwana, tovabika nekuvapa mukana wekushandira muchikwata chedu.

“Tinoziva kuti havasi vana vose vakakomborerwa nekugona muchikoro  sezvo vamwe vari shasha munyaya dzezvemitambo saka tinovabatsira mumitambo yakasiyana iyoyo,” anodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *