Cyclone Idai: Madhokota obatsira

Muchaneta Chimuka
SANGANO remadhokotera reMédecins Sans Frontières (MSF) International rinoti rakatumira chikwata chemachiremba kunobatsira zviuru nezviuru zvevanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive dutumupengo kudunhu reManicaland.

Dr Marthe Frieden — avo vanova mutungamiriri wechikwata ichi — vanoti kusati kwauya mafashamu aya, vagara vachibatsira vanhu veuku pasi pechirongwa chekurwisa zvirwere zveBp neshuga kuChipinge vachibatsirana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Pamazuva matanhatu ekutanga, takaenda tiri chikwata chevanhu gumi veMSF kunobatsira vanhu vaitambudzwa nemafashamu tichibva tambosiya chirongwa chatainge tiri kuita kuChipinge,” vanodaro.

Vanoti dambudziko guru ravakasangana naro nderekushomeka kwemishonga yekurapa varwere.

Mubasa ravo, vanodaro Dr Frieden, vakabatana nemamwe mapoka mukubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi iyi.

“Vamwe vaive nemaronda akadzika uye vamwe vaiunzwa nendege vakatyoka mabhonzo saka vaizopfuudzwa kuendeswa kuzvipatara nemaamburenzi apo isu taiendesawo vamwe vainge vasina kunyanya kukuvara kuChipinge District Hospital chinova chinhambwe chemakiromita angaite 50 kubva paSkyline, kuChimanimani,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *