UNDP yakapa $500 000

Philipa Chinhoi-Mukome
SANGANO reUnited Nations Development Programme (UNDP) muZimbabwe rakabatsira vanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutumupengo, Cyclone Idai, kuManicaland nemari inosvika $500 000 zvichitevera kuparadza kwakaitwa dzimba dzavo, zvipfuyo nemidziyo zvose neminda.

Mumiriri weUNDP muZimbabwe, VaGeorge Van Montfort, vanoti shungu dzavo ndedzekuti mhuri idzi dzitange upenyu hutsva.

“Chinangwa chedu ndechekuti vanhu vatangise kusimudzira upenyu hwavo patsva uye ticharamba tichishanda nemamwe masangano mukubatsira,” vanodaro.

Mafashamu aya akakonzera kufa kwevanhu nekuparadzwa kwezvivakwa nemidziyo muZimbabwe, kuMozambique nekuMalawi.

Sangano reUNDP rinotenda rubatsiro rwakabva kune nyika dzinosanganisira Denmark, Germany, Luxemburg, Norway, Portugal, Republic of Korea, Slovak Republic, Sweden neSwitzerland.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *