Dambudziko rekusvibiswa kwemvura mumadhamu rokura

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti dambudziko rekusvibiswa kwemvura yemumadhamu makuru nemishonga inobva mumaindasitiri nekumwe riri kuramba richikura munyika izvo zvinogona kukangisa utano hwevanhu vanoishandisa mumabasa akasiyana-siyana.

Mai Amkela Sidange vanova environmental education and publicity manager kuEMA vanoti ongororo yeAmbient Water Quality Monitoring Analysis iyo yakaitwa muchikamu chekutanga chegore ra2025, yakaratidza kuti madhamu nenzizi zhinji zvakawana mvura yakawanda kunyangwe zvazvo imwe yacho yakasviba nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

“Mumadhamu akadai seManyame neGwayi Catchments, ongororo yedu yakaratidza kuti maive nekushomeka kwemweya wekufema nekuda kwekusvibiswa kuri kuitwa mvura yemadhamu ari padyo nemaguta netsvina inobva mumaindasitiri uye yezvinhu zvinoora zvinoyeredzwa zvichibva kunzvimbo dzinogara vanhu zvichideredza huwandu hwemweya wekufema mumvura,” vanodaro Mai Sidange.

“Takaona kuti mishonga yakadai sePhosphate  yakawanda mumadhamu anosanganisira Gwayi, Sanyati neUmzingwane apowo madhamu ari mumaguta akadai seNyatsime neUmguza ari  kuratidza kuva nehuwandu hwekudya kunowanikwa muvhu (nutrients) izvo zvine njodzi kuutano hwevanhu netwupukanana twunorarama mumvura,” vanodaro.

Vanoti kuwanda kwemanyowa mumvura kunoreva kuti mumadhamu muchatanga kumera sora rakadai sezerere (algae) iro rinoderedza huwandu hwemweya wekufema mumvura zvichikonzera kuti zvipukanana zvinosanganisira matatya, hove nezvimwe zvinorarama mumvura zvife nekuda kwekushaya oxygen.

“Kuwanda kwemanyowa mumvura kunoreva zvekare kuti mvura inoderera panhau dzekuchena, kutapira kwayo uye munguva zhinji inenge iine munhuwi wakaipa zvinoita kuti veruzhinji vasafarire kuishandisa pakunwa kana kuitisa mamwe mabasa. Saka tinoti mvura yedu inofanira kucheneswa nekukasika uye vemaindasitiri anorasira tsvina munharaunda ichizoguma yava mumvura vanofanira kubatwa nemhosva. Pamusoro pezvo, mumaguta nzvimbo dzakaita sematoro dzinoda kuchengetedzwa kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goal Target 6.3.2 zviri maringe nekusimudzirwa kwemhando yemvura,” vanodaro.

Mai Sidange vanokurudzira vemakanzuru vanoona nezvehurongwa hwekugara kwevanhu mumaguta kuti vatsigire zvirongwa zvinobatsira mukuderedza dambudziko resuweji iyo iri kuwanikwa ichiyerera pese-pese kune mamwe madhorobha.

Makanzuru akadai seChitungwiza neHarare, achiri kunetseka nedambudziko resuweji uye kusatakurwa kwemarara.

Tsvina yose inogumisira yava mumadhamu anowanisa veruzhinji mvura yekunwa zvichikonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka zvakadai secholera, typhoid nedysentery.

Munguva pfupi yadarika, hove zhinji dzakafa mudhamu reLake Chivero nekuda kwekusvibiswa kwemvura zvichikonzerwa nesuweji yaiyeredzwa kubva kunzizi ichinopindamo.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *