Mujaho weEzekiel Guti walkathon woitwa

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika nemusi weMugovera uno apo veruzhinji vachafamba mujaho wewalkathon uyo unoitwa senzira yekurangarira gamba renyika, mushakabvu Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti, avo vakavamba chechi yeZimbabwe Assemblies of God Africa Forward in Faith International Ministries (ZAOGA FIF).

Mujaho wewalkathon uyu unoitwa gore negore pazuva rekucherechedza hupenyu hwaArchbishop Guti avo vakashaika mugore ra2023 uye vanhu vanouya kuzokwikwidza vanofamba dzendo dzakakura makiromita anoti 2,4km 5km ne10km.

Archbishop Guti vaizivikanwa vari munhu aifamba nzendo dzakakura nechinangwa chekusimbisa muviri wavo uye mujaho uyu wakazorongwa senzira yekuvarangarira.

Vachitaura pamusoro pamujaho uyu – Pastor Doreen Masiyanise – avo vanove Director of Media kuZAOGA vanoti gore rino wadzoka wakakura zvikuru.

Vanoti uchaitwa kumaguta ese ari munyika yeZimbabwe uye nekune dzimwe nyika uko kune mamwe machechi eZAOGA FIF.

“Pazuva rekurangarira nekucherechedza baba vedu gamba renyika Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti, kune zvirongwa zvakawanda zvichaitwa zvinosanganisira mujaho wewalkathon uyo uchaitirwa kumaguta akasiyana nekune dzimwe nyika dzekunze.

“Archbishop Guti munhu aikoshesa kuchengetedza utano hwemuviri zvekuti mazuva ose mangwanani vaimuka vofamba dzendo refu nekudaro veruzhinji vakazopedzisira vave kuvatevedzera. Saka pavakatisiya, takazviona zvakakosha kuti tirambe tichironga mujaho uyu tichivarangarira.

“MuHarare, mujaho uyu uchaitirwa kuGrange uko tiri kutarisira kuti vanhu vanosvika 5 000 vachauya uye kune dzimwe nzvimbo kuchange kuine mimwe mijaho ichaitwa,” vanodaro Pastor Masiyanise.

Zvakadaro pazuva rekucherechedza Archbishop Guti, pachange pane zvimwe zvirongwa zvinosanganisira dopiro remagitare iro richaona zvikwata zvakasiyana zvichihwiniswa mibairo pamhemberero dzichazoitwa manheru kuBraeside, muHarare.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *