Dambudziko remoto wemasaramusi rakwira mutanda

Kingstone Mapupu

DAMBUDZIKO remoto uri kungobatira woga uchipisa dzimba nemimwe midziyo kwaSabhuku Makosvo kwaBesa, kudunhu raMambo Seke riri kufambira mberi uye rasvitsa mwedzi mitatu moto uyu uchingonganduma.

Moto wemasaramusi uyu uri kubvira pamusha paVaIgnatius Charakupa (52) nemudzimai wavo, Mai Constance Chamboko (43), avo vanoti vasara vasina chinhu nekuti zvose zvapera kutsva.

Mai Chamboko vanoti kubva pakatanga moto uyu, havana zororo nekugadzikana sezvo vasisina nezano rose.

“Moto uyu wasvitsa mwedzi mitatu uchingobvira sezvo uchimboti ukatanga wombomira uye wozotanga zvakare. Wakambenge wamira apo wakaparadza midziyo yose nekupisa dzimba dzose, mbatya, chikafu, mabhuku evana vechikoro nezvimwe,” vanodaro Mai Chamboko.

Kwayedza yakashanyira musha uyu svondo rakapera ndokunowana mhuri iyi yakasuruvara zvikuru nekuda kwehondo yemoto uyu.

“Mushure mekuparadzwa kwemidziyo nezvimwe zvose nekuda kwemoto uyu, takazounganidza mari tikatenga zvinhu zvitsva zvinosanganisira mibhedha mitatu, mawodhiropu maviri, mbatya dzedu nedzevana, mabhatiri, charge controller nechikafu asi zvose izvi pamwe neUS$140 zvakatsvira mumba,” vanodaro Mai Charakupa.

Vanoti mumusha mavakaroorwa munoitwa zvechivanhu zvemapira nekuenda mudzin’anga izvo ivo nemurume wavo vasingaite.

“Dzinza remurume wangu vanhu vanoita zvechivanhu zvemapira. Izvozvi vakanga vakaenda kwaDhizha kwaChihota kwaiva nemutambo webira. Ini nemurume wangu hatiite izvi, tinoenda kuchechi uye tinonzi hatisati tatanga saka kwakatangira moto uyu hatichakuziva,” vanodaro Mai Charakupa.

Imba yavo ine mipanda mishanu yapera kutsva nemoto uyu uyewo magumbeze chaiwo ekufuga havasisina.

“Tatenga midziyo mitsva iyi, yakatanga kutsva zuva rimwe chete ikaparara yose. Izvozvi hatina pekutangira, tashaya zano, maporofita vari kuuya kuzotibatsira asi hapana chiri kusanduka,” vanodaro Mai Charakupa.

Kwayedza payakabva pamusha apa yakazoridzirwa nhare nevemhuri iyi ichitaurirwa kuti moto uyu wakasara ukabatira zvakare uchipisa chero chinhu chaiva padyo nawo.

“Moto uyu hausi kupisa vanhu asi mbatya chete nechikafu pamwe chete nemba,” vanodaro Mai Charakupa.

Dambudziko remoto wemanenji uyu rinonzi rakatangira kunyika yeSouth Africa kuchitoro chemwanasikana wemumhuri iyi icho chakangotanga kutsva choga.

Mhuri iyi iri kutsvaga kubatsirwa kubva mudambudziko iri nevanokwanisa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *