Dare raMambo Njelele rine chitokisi, ‘hall’

Kingstone Mapupu
MAMBO Njelele vekuGokwe vari kuvakirwa dare rekutongera mhosva rine musiyano nemamwe matare emadzishe iro rinova rechizvino-zvino uye rine chitokisi kuitira ny’any’a dzinozvidza madzimambo.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuwana Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, vari mushishi kubatsirana neruzhinji rwemudunhu ravo kupedzisa kuvaka dare iri.

Dare iri riri pamusha pamambo ava uye rine “hall” mukati iyo inokwanisa kurara vanhu vachimirira kuzosangana namambo pane zvavanenge vachida.

Kusiyana nemamwe matare, dare idzva iri rine kwekutongera mhosva nechitokisi chekuvharira vasungwa.

Basa rekuvakwa kwedare iri riri kuitwa naVaTawanda Karikoga (40), avo vanova muzvinabhizimisi muGokwe uyewo vari chizvarwa cheko. VaKarikoga vanonzi vakauya nepfungwa yekuvaka dare rine chitokisi iri mushure mekunge vashanyira Mambo Njelele ndokuwana vachitongera nyaya pasi pemuti wemuhacha.

“Munozoda chii? Uyu ndiye mwana oga akadzoka aona kuti mambo wake anotongera vanhu panzvimbo isina kukodzera.

“Dare iri rakatanga kuvakwa mumwedzi waKukadzi gore rino uye rave kutopera. Hamheno zvavo vanotarisira madzishe nemadzimambo pasi, tava nedare rine chitokisi tichashanda pamwe chete nemapurisa.

“Tikakuisa muchitokisi, mapurisa vanozouya vokutora monopedzerana pane,” vanodaro Mambo Njelele.

Mambo Njelele

Dare iri rine musiwo wekupinda nawo newekubuda yakasiyana. Community hall iripo inokwanisa kuitirwa zvinhu zvakasiyana semichato nemamwe magungano.“Mukati mehall iyi mune siteji inokwanisa kushandiswa nevaimbi. Vashandi veHurumende vanoda kuita zvavanoda – kungava kubaya vana majekiseni kana kutoresa zvitupa – vanogona kushandisa hall iyi zvakare.”

Mambo Njelele vanoti kare vaitambura kuti kana kuchinaya vangaitire misangano nemasabhuku avo kupi.

“Kune vanoda kuona mambo kana kuita misangano navo hapasisina dambudziko. Taimbonokumbira kukanzuru kana muzvikoro, asi zvose izvi zvapera. Ndinotenda ruzhinji nekuti ndivo vakakanya zvidhina VaKarikoga ndokuuya nezvose zvekuvakisa nekubhadhara mabhiridha nerimwe basa,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ane zvakawanda zvaari kuita muno muGokwe. Ndinofunga ane mapurojekiti 19 aari kuita muno. Zvakare, ari kuvakisa dare diki kwasadunhu wangu, Chisina, rinovawo rakanaka zvikuru,” vanodaro.

Mambo Njelele vanoti magetsi nemapombi emvura zvichaiswa mudare idzva iri. “Dare iri rine panogara mambo nemakurokota avo, koita bhokisi remumhan’ari kuruboshwe neremusungwa kurudyi.”

Dare rakare — Mifananidzo naMemory Mangombe

Mambo Njelele vanotiwo vane hurongwa hwekuzoisa makombiyuta muhall iyi ayo achashandiswa nevechidiki.

VaKarikoga vanoti vakaona zvakakodzera kuvakira mambo wavo dare rine mutsigo pane kuungana pasi pemuhacha.

“Madzimambo ndiwo musimboti wenyika, tsika nemagariro evanhu, kusanganisira vekwangu kwaNjelele. Ndakasvika padare ravo repasi pemuti ndikarwadziwa zvikuru ndokungosiya ndataura kuti ndiri kudzoka. Ndakazongotumira vakomana vangu vaine plan ndokutanga kuvaka,” vanodaro.

Maneja waVaKarikoga, Vusa Manjonjo (26), anoti dare iri rine musiyano zvikuru nemamwe matare emadzishe munyika muno.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×