DeGale ombomira tsiva

JAMES DeGale akazivisa kuti achavhiyiwa ruoko rwake rwaakakuvara izvo zvichamuona achizodzoka munhandare yetsiva gore rinotevera.

Shasha iyi – iyo ine bhande reIBF super-middleweight – haisati yarwa kubva payakapedzisira kusangana naBadou Jack muna Ndira kuNew York.

Mutambo uyu wakapera uri mangange sezvo vatambi vavairi ava vakabandana zvemandorokwati.

Degale ange achitarisirwa kudzoka munhandare gore rino asi mutambo waaironga naCallum Smith wakazotadza kubudirira nekuti chizvarwa chekuLiverpool ichi chakazosarudza kusangana naAnthony Dirrell vachirwira bhande reWBC super-middleweight.

Iye zvino zvabva zvabuda pachena kuti ruoko rwake rwaakakuvara achigadzirira mutambo wake naRogelio Medina mwedzi 13 yadarika runofanirwa kuonekwa nachiremba.

“Mwedzi yadarika yange isingandifambire zvandinotarisira kubva pandakarwa naBadou Jack kuNew York, sezvo ndaivimba kuti iye zvino ndingadai ndave kukuzivisai nezvemutambo wangu unotevera.

“Asi kupera kwesvondo rino ndichange ndave kunorapwa ruoko rwangu izvo zvinoreva kuti handichapinde munhandare kwenguva refu. Ndakakuvara ruoko urwu kare-kare ndisati ndarwa naRogelio Medina asi ndikangoti regai ndirwe zvakadai izvo ndakaita zvakare gore rino pandakarwa naBadou Jack.

“Ndange ndichirwa ndakakuvara ndisina kunyatsosimba izvo zvakaratidzika mumutambo wangu naJack. Handina kunyatsotamba matambiro angu chaiwo andinonyatsoziva ndega ini.” – Sportsmail. 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×