Akagocha kamwana nekuda madima

Julia N’andu ari kwaMUTARE —
MURUME wekwaOdzi akadhonzerwa kudare redzimhosva akatarisana nemhosva yekurova zvakaipisisa mwana wake ane makore 12 okuberekwa pamwe nekumupisa ruwoko nekuda kwenyaya yemadima kana kuti mbambaira.

Netto Chinenere akamiswa pamberi pemutongi Innocent Bepura wedare reMutare Magistrates’ Court akatarisana nemhosva yekutyora mutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwevana weSection 7(1) of the Children’s Act, Chapter 5:06.

Muchuchisi Fletcher Karombe akaudza dare kuti Chinenere akapara mhosva iyi musi wa21 Chivabvu gore rino.

“Musi uyu nenguva dza6 manheru kuVillage D, kuNyangudzi, kwaOdzi, Chinenere anonzi akatuma mwana wake kumunda kunotora mbambaira asi mwana uyu ndokuuya neshoma.

“Izvi zvinonzi hazvina kufadza Chinenere ndokubva arova mwana wake uye anonzi akamupisa zvakare ruwoko nechitsiga chemoto chaibvira,” anodaro muchuchisi Karombe.

Anoti kwapera mazuva matatu, Chinenere akada kurova mwana uyu zvakare asi akabva atiza ndokuenda kunohwanda kumba kwababamukuru vake.

Babamukuru ava ndivo vakazomuti aende kunoona mushandi wezveutano anoshandira munharaunda (village health worker) zvikaita kuti nyaya iyi izomhan’arwa kumapurisa.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa. – The Manica Post.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *