Delta yopa bhezari

Walter Mswazie ari kuMASVINGO
KAMBANI yeDelta Corporation yakatanga chirongwa chemakore maviri chekubatsira mwana anobva kumhuri inoshaya uyo akapasa bvunzo dzeO-Level dzegore rapera nebhezari rekuti akwanise kuenda kuA-Level kudunhu reMasvingo.Bhezari iri richabatsira mwana anodzidza pachikoro chiri pasi peHurumende kana chechi nemari dzechikoro, yekutenga mayunifomu, mabhuku ekuverenga neyekushandisa zvakasiyana.

Mutsamba yakanyorerwa kumukuru wedzidzo wekuMasvingo ichibva kuna Muzvare Patricia Murambinda – avo vanova corporate affairs executive kuDelta Corporation – kambani iyi yakakumbira mahofisi ezvedzidzo kuMasvingo kuti asarudze vadzidzi vavatu vakapasa O-Level avo vanoda kuenda kuA-Level.

Vanoti mudzidzi mumwe chete ndiye achasarudzwa pane vatatu ava.

“Vadzidzi ava vanofanira kunge vakapasa zvikuru pabvunzo dzeO-Level dzakanyorwa munaMbudzi-Zvita 2018 uye vaine umboo hwekuti vanobva kumhuri dzinoshaya,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti kambani yavo ichabatsira mudzidzi kufunda pachikoro cheHurumende kana kuti chiri pasi pechechi kwete chikoro chakazvimirira.

Muzvare Murambinda vanoti vanenge vabudirira kupinda muchirongwa ichi vachaziviswa kuburikidza nekunyorerwa matsamba, zvimwe chetewo nemahofisi evakuru vezvedzidzo ekuMasvingo.

Zuva rekupedzisira rekutambirwa kwemazita evanoda kupinda muchirongwa ichi ndi14 Kukadzi 2019.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *