Manje isu hatikwatiswe: Zrp

Kingstone Mapupu
MUTAURIRI wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vari kuyambira vanhu vane katsika kekuvhundutsira kana kukanganisa mapurisa apo vanenge vari pabasa ravo vachiti vasiyane nekuita uku sezvo kuri kupara mhosva.Yambiro iyi inotevera nyaya yemurume anova n’anga achizviti nditsikamutanda wekuGweru uyo anonzi akaenda pakamba yeNehanda Police Station ndokunovhundutsira mapurisa epo achiti aizovarovesa nemheni nekukonzera kuti vafe nekuti ari kuvapomera kutadza kumubatsira panyaya yaainge anomhan’ara yekubirwa foni yake.

“Nyaya yemurume uyo ari kuvhundutsira mapurisa tinayo, iri kuongororwa zvakasimba nekuti hakuna munhu ane mvumo yekuvhundutsira mumwe munhu —zvikuru mapurisa vanenge vachiita basa ravo.

“Kune vanoita izvi tinoti vasazochema nekuzvitutumadza kwavo nekuti nyika ino ine mitemo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mapurisa anofanirwa kushanda pasina kutyisidzirwa, kwete kutya vamwe vanhu vanofunga kuti vane masimba ekukwanisa kukanganisa mashandiro avo.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *