DeMbare, Bosso votatsurana muZim Derby

Abel Ndooka

NEMUSI wesvondo uno, nzira dzose dzichananga kuRufaro Stadium, muguta reHarare uko makara asingaonane – Dynamos FC neHighlanders – zvichange zvichitatsurana mumutambo weZim Derby.

Mutambo uyu unogara uchitarisirwa nevatsigiri venhabvu nguva nenguva nekuti pose panowanzosangana zvikwata zviviri izvi hapana chinoda kukundwa.

Dynamos iri kupinda mumutambo uyu apo mwaka wayo usiri kufamba zvakanaka nekuti parizvino yakagara pechi16 palogo rePSL.

Chikwata ichi changokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete kubva pa13 yachatamba mwaka uno uye chine zvibodzwa zvipfumbamwe chete.

DeMbare ikasakwidziridza masokisi ayo, ine mukana mukuru wekuti mwaka unotevera inogoa kutambira nhabvu yayo kuDivision One.

Nekune rimwe divi, Bosso iri kupinda mumutambo uyu yakagara pechipfumbamwe ine zvibodzwa 18 kubva pamitambo 13 yayatamba.

Highlanders

Bosso mitambo yayo miviri yadarika, yakakundwa 2-1 neZPC Kariba uye mumwe wacho ndokukundwa 1-0 neHerentals svondo radarika.

Mutambo wesvondo rino wakakosha zvikuru kuzvikwata zviviri izvi apo zviri kurwa chaizvo kuti zvisimukire palogo rePSL.

Zvakadaro, svondo rino zvekare richaona MWOS FC neScottland zvichisangana kekutanga zvichitevera kupinda kwazvakaita muPSL gore rino.

Gore radarika, zvikwata izvi zvairwisana zvichidzingirirana kupinda muPSL uye daka ravo richasimudzirwa svondo rino kuNgoni Stadium kuNorton kumusha kweMWOS.

PSL yakazivisa kuti matikiti ekupinda munhandare yeNgoni ari kutengeswa padandemutande uye hapana tikiti richazotengeswa kunhandare iyi nemusi weMugovera apo pachasangana zvikwata zviviri izvi.

MWOS parizvino ndiyo iri kutungamira palogo apo  Scottland yakagara pechitatu.

Shasha yePSL yemwaka wadarika, Simba Bhora, ichange iri pamusha kuWadzanayi Stadium kuShamva apo ichasangana neNgezi Platinum Stars.

Simba Bhora parizvino yakagara pechipiri palogo rePSL, kuchiti Ngezi Platinum Stars (Madamburo) yakagara pechitanhatu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×