Trabablas Interchange yovhurwa

Munyori weKwayedza

KUVAKWA kwezambuko remhando yepamusoro-soro reTrabablas Interchange, iro rinokosha US$88 miriyoni uye richaparurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu chino, huchapupu hwehutungamiriri hwakasanangurika hwaPresident Mnangagwa, apo vari kuzadzikisa zvavakavimbisa kuruzhinji rweZimbabwe.

Kubvira makore adarika, Hurumende yeSecond Republic iri kuita zvirongwa zviri kusimudzira hupenyu hweveruzhinji.

Zambuko reTrabablas Interchange rakakosha zvakanyanya panyaya yekufamba kwevanhu nekufambiswa kwezvinhu uye sechikamu cheNorth-South Corridor sezvo richibatanidza Zimbabwe nedzimwe nyika dziri mudunhu reSADC pamwe neAfrica yose.

Chimwe chirongwa chakaitwa neSecond Republic chakashandura hupenyu hweveruzhinji kupedza kuwandudzwa kweHwange Units 7 ne8, izvo zviri kubatsira mukuwanikwa kwemagetsi munyika.

Nerimwe divi, basa rekuvaka kuMt Hampden, inova nzvimbo inotarisirwa kuzove muzinda wezvekufambiswa kwemabasa akasiyana-siyana, riri kufambira mberi zvakanaka zvichitevera kupedza kuvakwa kwedzimba dzemhando yepamusoro (villas) panzvimbo yeDiplomatic Village.

Kuvakwa kwedzimba idzi kunoratidza kuzvipira kweHurumende mukufambirana nechizvino-zvino uye zvichienderanawo nechivakwa chiri pedyo chenew Parliament building.

Zvivakwa izvi zviri kurumbidzwa zvakanyanya uye zviri kuonekwa semucherechedzo wehutungamiriri hune muono wemberi.

Pamusoro pezvo, mizinda yekuita tsvakurudzo inobatsira mubudiriro yenyika iri kuvakwa pamayunivhesiti anosanganisira University of Zimbabwe, Harare Institute of Technology neZimbabwe Defence University.

Mimwe yemizinda iyi iri kuita kuti nyika ibatsirike nekusashandisa mari yakawanda yekunze pakutenga zvinhu kunze kwenyika sezvo zvimwe zvacho zvave kugadzirwa muno.

Nekuda kwemuzinda wekugadzira manhamba pureti emotokari uri paUniversity of Zimbabwe, nyika iri kuyamurika zvakanyanya sezvo kare aimbotengwa kunze.

Zimbabwe pari zvino iri kukwanisa kutotengesa manhamba pureti aya kune dzimwe nyika sezvo ari kugadzirwa anosvika 14 000 pazuva rimwe.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *