The Beatdown Boxing Tournament yorongwa

Abel Ndooka

SHASHA dzetsiva dzemuno dzichasangana nedzekunze kwenyika dzinobva kunyika gumi pamutambo weThe Beatdwon uyo uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Academy and MMA.

Mutambo uyu uchaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu uye  uchaona shasha dzetsiva dzinosanganisira Kudakwashe Chiwandire, Monalisa Sibanda naTinashe Mwadziwana vachirwa nevatambi vanobva kunyika dzakadai seSouth Africa, Togo, Cameroon, Malawi, Zambia, Namibia, Botswana neMauritius.

Achitaura pakuparurwa kwemutambo uyu svondo radarika, mutungamiri weDeltaforce Boxing Academy – Clyde Musonda – anoti wakakosha zvikuru nekuti uchapa mukana kune vatambi vetsiva vakasiyana vemuno kuti vagorwa nevanobva kunyika dzakasiyana.

Anoti izvi zvichabatsira kuti vatambi vemuno vagosimukira mumutambo uyu uye vagadzire mazita avo mutsiva.

“Mutambo weThe Beatdown uchange uri mukuru kwatiri senyika nekuti tiri kuunza vatambi vetsiva vanobva kunyika 10 avo vachauya kuzosangana neshasha dzedu dzemuno.

“Izvi zvichabatsira kuti vatambi vedu vakwanise kusimukawo mutsiva sezvo kupota vachirwa nevatambi vedzimwe nyika zvichivabatsira zvikuru mumutambo uyu,” anodaro Musonda.

Business development manager kuDeltaforce Boxing Academy – Walter Marara – anoti pamutambo weThe Beatdown uyu, shasha yetsiva yechidzimai – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – asangana naSharadene Fortuin wekuSouth Africa vachirwira bhande reAfrican Boxing Union (ABU) SADC Title.

“Mutambo mukuru uchange uri waKudakwashe Chiwandire shasha yetsiva yechidzimai uyo acharwira bhande reABU SADC Title achitatsurana naSharadene Fortuin wekuSouth Africa.

“Uyu mumwe wemitambo yakawanda yatiri kuronga iyo ichazotambwa pamuzuva iri,” anodaro Marara.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *