Vanotyora mitemo pamugwagwa hokoyoyi!

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE ichatanga chirongwa cheSmart Traffic Management System, icho chakanangana nekudzivirira tsaona dzemumigwagwa, kubatsira kufamba zvakanaka kwedzimotokari nekuona kuti vatyairi vasingatevedzi mitemo pakufamba varangwa zvakaringana.

Pasi pechirongwa ichi, vatyairi vanofamba vari kudivi remugwagwa risiri iro pamwe nevanotyaira zvisina hanyn’a vacharangwa.

Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti chirongwa ichi chichabatsira zvakanyanya kudzivirira tsaona uye kufamba zvakanaka kwemotokari mumigwagwa.

“Chinokwanisa kuita kuti mifananidzo yevatyairi vedzimotokari itorwe pamwe chete nekuvepo kweruzivo rwakadzama rwezviri kuZimbabwe National Road Administration (ZINARA), Central Vehicle Registry (CVR) neCivil Registry.

“Chirongwa ichi chinobatsira mukuzivisa kutyorwa kwemitemo pamugwagwa nenzira dzinosanganisira vatyairi vanopinda marobhotsi akatsvuka, kusamira pavanofanirwa kumira, kutyaira zvisiri izvo, kumisa motokari pasingatenderwi, kusasunga mabhande emumotokari nezvimwe zvakasiyana-siyana,” vanodaro Dr Muswere.

Chirongwa ichi chichabatsira zvakare mukurwisa kuparwa kwemhosva nekuona mafambiro everuzhinji sezvo panenge paine makamera mumigwagwa.

Cabinet yakatobvumirana kuti chirongwa ichi chichitanga kuitwa.

Dr Muswere vanoti manhamba pureti edzimotokari anotorwa pakare kuburikidza neautomatic number plate recognition pamwe nekutorwa zvakare kwechiso chemutyairi nekuona kuti vanotyora mitemo yepamugwagwa varangwa.

Vanoti Hurumende yakazvipira kuona kuti zvose zvinodiwa kuti chirongwa ichi chifambiswe zvakanaka zvavepo.

Pachange paine matare edzimhosva akamirira kutonga nekuranga vanotyora mitemo yekufamba pamugwagwa.

Dr Muswere vanoti chirongwa ichi, icho chakavepo nekuda kwekambani yeTelOne, chichatanga kuitwa muHarare neBulawayo, chisati chatekeshera kune mamwe maguta nemadhorobha ari kumativi mana enyika.

“Chirongwa ichi chinoshandisa michina yechizvinozvino yakadai seinternet of things (IoT), artificial intelligence (AI) uye ruzivo rweongororo yakadzama, izvo zvinobatsira mukufamba kwemotokari zvakanaka, kudzivirira njodzi uye maitirwo ezvinhu nenzira yakajeka,” vanodaro Dr Muswere.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×