Abel Ndooka
MITAMBO yeCastle Lager Premiership Soccer League (PSL) iri kudzoka svondo rino zvichitevera kumiswa kwayainge yamboitwa svondo radarika sezvo kwaitambwa nhabvu yeChibuku Super Cup.
Pamitambo iriko, Dynamos FC — iyo yakahwinha mitambo miviri svondo radarika yeChibuku Super Cup — ichinanga kuAscot Stadium kunosangana neKwekwe United.
DeMbare, iyo yave kurairidzwa naKelvin Kaindu, anove murairidzi wayo wechitatu mwaka uno, inofanirwa kuhwinha mutambo uyu, zvigoibatsira kuti irambe iri muPSL mwaka unotevera.
Svondo radarika, Kaindu akatungamira mitambo miviri yeChibuku Super Cup, apo Dynamos yakakunda Yadah Stars mumutambo wekutanga; ndokuzokundazve Simba Bhora mune wechipiri, uyo wakatambirwa kuWadzanayi Stadium, kuShamva.
Kaindu anofanirwa kusunga dzisimbe nokuti chikwata chake chakatarisana nemutoro mukuru mukurwira kuti chisaburitswe muPSL pachapera mwaka wegore rino.
Shasha yePSL, Simba Bhora, iri kunanga kuNorton, uko ichanosangana neMWOS FC musi weMugovera uno.
MWOS yakatamba nhabvu inonwisa mvura muChibuku Super Cup zvichitevera kuzvambaradza kwayakaita CAPS United 2-0.
Simba Bhora ndiyo yakagara pamusoro pelogo pari zvino iine zvibodzwa 47 kubva pamitambo 24, kuchiti MWOS yakagara pechitatu iine zvibodzwa 42 kubva pamitambo 24 zvakare.
Scottland FC, iyo yakagara pechipiri palogo mwaka uno, ndiyo ichavhurira mitambo yesvondo rino musi weChishanu, apo ichasangana neZPC Kariba kuRufaro Stadium.
Scottland iri kutsomana neSimba Bhora, apo iri kufemera mugotsi mayo, naizvozvo, ine mukana wekumboenda pamusoro pelogo rePSL svondo rino musi weChishanu apo ichasangana neZPC Kariba.
Yaimbove shasha yePSL, Ngezi Platinum Stars, ichange iri pamusha payo kuBaobab Stadium, kuMhondoro, musi weMugovera apo ichatamba neBikita Minerals.
Madamburo svondo radarika yakaburitswa mumutambo weChibuku Super Cup neTriangle United, iyo yakaikundira kumapena 6-5 sezvo mutambo wavo wainge wapera uri mangange 0-0.
Triangle United ichange iri pamusha musi weSvondo kuGibbo, ichitatsurana neFC Platinum.



