naMeloncia Misihairahwi
Swedera pedyo mwana weyangu hanzvadzi,
Nyatsoteya dzako nzeve mwachewe,
Uchengete mutana anokuruma nzeve,
Vakuru vakati miromo yavakuru haiwiri pasi.
Zvawakati wawana pokuruvira imo mudhorobha,
Mudhorobha guru rine mukurumbira,
Tenda wako musiki namabvi namagokora,
Nokuti mazuva ano basa kuritsvaga,
Kwangofanana nokutsvaga mhodzi yefodya mudota,
Richengetedze mwachewe,
Mudzimu haupi kaviri.
Iva shumba pabasa,
Kwete kuita guhwu rokugarira maoko,
Kana rokukotsira pabasa,
Iva wokutanga kusvika pabasa,
Ugova wokupedzisira kuchayisa.
Zvoruoko rimirana nazvo kumuganhu,
Idya cheziya rako nguva dzese,
Nokuti ndicho chakazorwa dovi nouchi,
Vazhinji vaakasiya vachiri kuada mabasa,
Nokuda kwokuva vanoramba kupetwa,
Paunotsiurwa teerera,
Usandinyira zvitanda munzeve.
- Meloncia Misihairahwi ari muGrage 7 paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza.
MAONERO:
Waita zvako Meloncia nekushandisa mukana wekuti nhetembo yako iverengwe neZimbabwe, uye igopenengurwa kuti uzive zvatakaona nekufunga pamusoro payo.
Ndinotanga nemusoro wenhetembo yako wekuti, “Akuruma nzeve ndewako.” Waita zvakanaka kuti washandisa mutauro wakapfuma wedimikira rinoreva kuti munhu anokubaira zanhi kana kuti anokupa mazano kana kukutsiura anokuda. Asi ini ndinofunga kuti musoro wenhetembo wakadai hausekenyedze vaverengi nekuti vanobva vagara vatoziva kuti nhetembo iyi yakanangana nezvipi.
Chandiri kutaura ndechekuti musoro wenhetembo ngausabva wakurumidza kutengesa zviri mukati menhetembo, asi ngauite seunonyebudza kana kushamisa vaverengi.
Ndima yako yekutanga ine mashoko akanaka uye akakosha kana munhu achirairwa. Mazwi emukuru ari kuraira ane mutsa nerudo. Izvi zviri kubuda mumashoko anoti, “Swedera pedyo,” “Nyatsoteya . . . nzeve” nekuti “Uchengete.” Kutaura kwakadai kunobvisa kutya mune ari kurairwa. Uye wabaya pawabva wapedzisa nedimikira rekuti, “Miromo yevakuru hayiwire pasi . . .” Uri kupa mwana wauri kuraira chikonzero chekukuteerera.
Ndima yechitatu yandinakidza nekushandisa mutauro unonyatsojekesa kunetsa kunoita kuwana basa. Wati iwe:
Nokuti mazuva ano basa kuritsvaga,
Kwangofanana nokutsvaga mhodzi yefodya mudota
Apa waita kuti muverengi anyatsonzwisisa kuoma kwazvakaita nenzira inoratidza kugona kubata mutauro nenyanga dzawo. Zvakarewo washandisa tsumo yakapfupikiswa pawati, “Midzimu haipe kaviri” zvichiratidza kuti unonyatsonzwisisa mutauro wako.
Enzaniso yawashandisa yekuti, “Iva shumba pabasa,” yakadzama nekuti tinoziva kusimba nekutyiwa kunoitwa shumba.
Wapedzisa nhetembo nekutaura nezvematambudziko anosanganikwa nawo pabasa nevanhu vasingade kana kuchengeta mabasa. Wataura matambudziko akaita sekurara pabasa, kunonoka kusvika nekukurumidza kubva. Izvi zvaratidza kuti nhetembo iyi ine chinangwa chakanaka zvikuru chekuita kuti vadiki vachengetedze mabasa.



